Mushumo Wavazivisi voUmambo
Kutsinhirana Nenzira yaJehovha Nokuzvininipisa
“TSVAKAI Jehovha, imi mose vanyoro venyika.” Kokero iyi, yakaziviswa nomuporofita wechiHebheru Zefania mazana amakore anopfuura 26 apfuura, ichiri kupiwa kuvanhu mupasi rose nhasi. (Zefania 2:3) Kutsvaka Jehovha zvinorevei? Kuita izvi kunotanga nokuwana kuziva Mwari wechokwadi bedzi uye mupenyu, Jehovha.—Jeremia 10:10; Johane 17:3.
Zvisinei, kuwana zivo hakusi iko kunotungamirira kukuva nechimiro chinotenderwa naMwari. Kuti awane nyasha dzaMwari, munhu anofanirawo kushandisa zivo iyi. Sei? Kupfurikidza nokutsinhiranisa nokuzvininipisa kufunga kwake nomufambiro nemitemo yaMwari, sezvinoratidzirwa nechakaitika chokuSuriname.—VaEfeso 4:22-24.
Eddy, mudzidzisi wechikoro aiva namakore okuma30, aishuva mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yakadai sokuti: ‘Rudzidziso rwunoita basa rei munzanga yanhasi?’ uye ‘Bhaibheri, bhuku rakare, rinobvumirana nesayenzi yazvino here?’ Zvapupu zvaJehovha pazvakashanya ndokupa mhinduro dzakavakirwa paBhaibheri dzemibvunzo iyi, Eddy akateerera nokungwarira. Akatonyora zvinonyorwa kuitira kuti agonzvera tsanangudzo dzeZvapupu zvacho.
Munguva yakare, Eddy akanga asonganirana norudzidziso rwaimudzidzisa kuti vanhu vakanga vari mugumisiro wakanatsiridzwa waMwari wemaape. Naizvozvo Zvapupu pazvakamugovera bhuku raLife—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation? akarigamuchira asingazenguriri. Tsanangudzo yakajeka yebhuku racho yenhoroondo yechisiko cheBhaibheri yakamuorora. Kupfurikidza nokufunda kwake Bhaibheri, akapwiswa kuti akanga awana chokwadi!
Asi zvino akatarisana nomuedzo. Eddy aigara mumba yaiva navanhu vairarama nokuba nokusavimbika. Nokudaro, akapiwa chisarudzo: chokutevera mararamiro akashata evaaigara navo kana kuti kuramba mufambiro wakadaro achida mararamiro anokudza Mwari. Nenzira yokuchenjera, Eddy akasarudza mararamiro anokudza Mwari. Akarega kusonganirana kwose kwakaipa ndokutama pamba ipapo.—1 VaKorinte 15:33, 34.
Eddy akafambira mberi nokukurumidza pashure pokunge atanga kupinda misangano paHoro yoUmambo. Akavandudzikawo mukupfeka kwake nokushambidzika uye akatanga kutaura neshamwari dzake nehama dzokunyama pamusoro pezvaakanga ari kudzidza. Gare gare, mufaro wake wakawedzerwa paakatenderwa kugoverana mukuparidza “evhangeri” pachena. (Mateo 24:14; Mabasa 20:20) Muna December 1996, zuva rakanga rakamirirwa kwenguva refu rakasvika paakaratidzira kuzvitsaurira kwake kuna Jehovha kupfurikidza nokubhabhatidzwa mumvura.
Makore ose, mazana ezviuru zvavanhu vane mwoyo yakatendeseka anogamuchira kukokwa kuti a“tsvak[e] Jehovha.” Mukuita kudaro, anowana uchokwadi hwamashoko aZvirevo 22:4, iyo inoti: “Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu.” Hungu, kupfurikidza nokutsinhirana nokuzvininipisa nenzira yaJehovha, vanhu vanoda chokwadi vanofarikanya zvikomborero zvakadaro zvino, uye nechivimbo vanokarira zvikomborero zvisingaperi pasi pano chaipo.—Pisarema 37:29.
[Mepu dziri papeji 18]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Caribbean Sea
GUYANA
SURINAME
FRENCH GUIANA
BRAZIL
[Kwazvakatorwa]
Globe: Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.