“Muenzaniso Wokubatana Noukama”
Iwawo ndiwo marondedzerero akaita mumwe mukadzi zviito zveZvapupu zvaJehovha pashure pokunge atambura kurasikirwa nomutezo wemhuri kunorwadza. Anotsanangura kuti:
“Nokuda kwangu nemhuri yangu, ndingada kuonga Zvapupu zveungano yechiTariyana muFreiburg, Germany. Kunze kwehanzvadzi yangu Antonio nomudzimai wake, Anna, mhuri yangu haisi Zvapupu zvaJehovha. Takatsoropodza chisarudzo chavo chorudzidziso kwenguva refu, kunyange zvazvo tairuremekedza nguva dzose.
“Zvino, zvisinei, tinofanira kuchinja ndangariro dzedu. Kutaura idi, takawana muenzaniso woukama norudo zvatanga tisingambokariri.
“Nenzira inosuvarisa, Anna akafa nokukurumidza mutsaona yomumugwagwa. Sezvaitaigara muItaly, taikwanisa kugara pedyo nehanzvadzi yangu Antonio nevana vake kusvikira kunguva yakaganhurirwa bedzi. Hama dzake Zvapupu dzakapindira zvisinei. Dzakamubatsira nokuvapo kwadzo, mashoko adzo, kutenda kwadzo, tsigiro yadzo yokunyama, yetsika, uye yemari. Sezvo ndisingagoni kuonga ungano yacho pachangu, ndingada kuvaonga kupfurikidza nemagazini yenyu nokuda kwomuenzaniso wavo wokubatana noukama watisingazokanganwi.”
Tsinhiro dzomutsa dzomukadzi uyu dzinoongwa. Sezvaakacherekedza, Zvapupu zvaJehovha zvine ukama hwenyika yose. (1 Petro 2:17) Zvinosakurira zvisungo zvechidakadaka chakasimba pakati pazvo, zvichiziva kuti rudo irworwo “ndicho chisungo chinokwanisa.” (VaKorose 3:14) Kunyange mungwavaira huru dzamamiriro ezvinhu, dzinogona kutiwira tose, Zvapupu zvaJehovha zvinonamatira zvakasimba pana Mwari navanhu vake.—Zvirevo 18:24; Muparidzi 9:11; Johane 13:34, 35.