Musangano Wegore Negore—3 October, 1998
MUSANGANO WEGORE NEGORE wemitezo yeWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania uchaitwa musi wa3 October, 1998, paHoro Yamagungano yeZvapupu zvaJehovha, 2932 Kennedy Boulevard, Jersey City, New Jersey. Musangano uchatangira iwoyu wemitezo bedzi uchatanga na9:15 a.m., uchiteverwa nomusangano wavose wegore negore na10:00 a.m.
Mitezo yeSangano inofanira kuzivisa Hofisi yoMunyori zvino nezvechinjo ipi neipi mukero dzayo dzokutumira tsamba mukati megore rakapfuura kuitira kuti tsamba dzenguva dzose dzeziviso nemagwaro okuvhota usipo dzigogona kusvika kwavari mukati maJuly.
Magwaro okuvhota usipo, ayo achatumirwa kumitezo yacho pamwe chete nechiziviso chomusangano wegore negore, anofanira kudzorerwa kuitira kuti asvike kuHofisi yoMunyori weSosaiti pasati pari pashure pa1 August. Mutezo mumwe nomumwe unofanira kuzadza ndokudzorera rugwaro rwawo rwokuvhota usipo nokukurumidza, uchitaura kana iwo uchava pamusangano somunhu oga kana kuti kwete. Mashoko anopiwa parugwaro rumwe norumwe rwokuvhota usipo anofanira kuva akajeka papfundo rino, sezvo kusarudza kuti ndiani achava aripo somunhu oga kuchatsamira parwuri.
Zvinokarirwa kuti rusando rwose, kubatanidza musangano wakarongwa webhizimisi uye mishumo, zvichapedzwa na1:00 p.m. kana kuti nokukurumidza pashure pacho. Hapasati pachizova norusando rwamasikati. Nemhaka yenzvimbo yakaganhurirwa, kupinda kuchaitwa kupfurikidza netikiti bedzi. Hapana gadziriro dzichaitwa dzokubatanidza musangano wegore negore norunhare nedzimwe horo.