Mashoko Ako Anobaya Here kana kuti Anopodza?
MUKATI meidzi nguva dzakaoma, hakutongoshamisi kuti vakawanda vane “mwoyo yakaputsika” uye “mweya yakapwanyika.” (Pisarema 34:18) Nokudaro, mumashoko omuapostora Pauro, pane kudikanwa kwenguva dzose kweku“simbis[a] vanopera mwoyo” noku“tsigir[a] vasina simba.” (1 VaTesaronika 5:14) Asi zvakadini kana munhu biyedu akatigumbura kana kuti kuita chimwe chinhu chisina kururama zvakakomba? Mumamiriro ezvinhu akadaro, tinganzwa tichipembedzwa kungoruramisa munhu wacho. Zvisinei, nyevero yakakodzera. Zano, kunyange apo rinenge richikosha, rinogona kuva rinokuvadza kana rikapiwa nomutoo wehasha. Zvirevo 12:18 inoti: “Mumwe uriko unotaura nokusarangarira zvinobaya somunondo.”
Naizvozvo, apo tinotanga kupa ruramiso kana kuti kubata nokusanzwisisana, kunokosha kuyeuka rutivi rwechipiri rwaZvirevo 12:18: “Rurimi rwowakachenjera runoporesa.” Nguva dzose zvibvunze kuti, ‘Kudai ndaida ruramiso, ndaizoda kubatwa naye sei?’ Vakawanda zvikurusa vedu tinodavidza zvikuru kukurudziro kupfuura kutsoropodzo. Nokudaro iva ane rupo nerumbidzo. Izvi zvichawanzopa mugumburi chishuvo chokuvandudza, uye sezvinobvira zvikuru achaonga fariro ipi neipi inopiwa.
Kunokosha sei nguva dzose kudzikamisa mashoko edu nounyoro! Mashoko anoporesa achasiya muteereri achinzwa sezvakaita wezvamapisarema, uyo akanyora kuti: “Wakarurama ngaandirove netsitsi; ngaandituke, ave mafuta pamusoro wangu; musoro wangu haungaarambi.”—Pisarema 141:5.