Mushumo Wavazivisi voUmambo
Kushandisa Mukana Uri Wose
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinozivikanwa munyika yose nokuda kwebasa razvo redzidzo yeBhaibheri. Asi zvinoitawo zvirongwa zvinounza dzimwe betsero kunzanga. Iri basa rinoitirwa vanhu vose rakagamuchirwa zvakanaka, seizvo zvinoitika zvinotevera zvinobva kuEcuador zvinoratidza.
◻ Vakuru vakuru vefekitari huru inogadzira magirazi vaida kuronga kosi pamipimo yemhuri nokuda kwavashandi vavo. Mutungamiriri webato rinotarisira vashandi akakoka vapristi veKaturike vanoverengeka kuti vatore rutivi asi haana kuwana davidzo. Mupristi mumwe akamuudza kuti vapristi vashomanene zvikuru vakanga vakakwaniriswa kutaura panhau yacho zvokuti sezvingabvira hapana aiwanika. Pakunzwa izvozvi, mumwe mushandi Chapupu akaita rongedzero dzokuti imwe hama inowanzoshanda ndima yamabhizimisi ishanyire fekitari yacho.
Zuva rakatevera racho chairo, Chapupu chacho chakasvika mutungamiriri webato rinotarisira vashandi nekosi yefundo inokarakadzwa. Ndaza yezvidzidzo yakatorwa muzvinyorwa zvakasiyana-siyana zveWatch Tower Society. Mutungamiriri wacho akaororwa. Akasarudza misoro mitatu yekurukurirano—magariro avanhu, tsika pabasa, uye tsika mumhuri. Gadziriro dzakabva dzaitwa dzokurangarira mashoko acho navashandi vose.
Vashandi vacho vakakamurirwa mumapoka manomwe e30 rimwe, pashure pezvo hama nhatu dzakakwaniriswa dzakapa mashoko acho kwavari. Ndeipi yakanga iri migumisiro? Vashandi vakati vakakumbira kuti vashanyirwe mumisha yavo, uye yamuro dzefundo yeBhaibheri 216 dzakagoverwa. Vakuru vakuru vacho vakaororwa zvikuru zvokuti vakakumbira kana Zvapupu zvacho zvaigona kugadzirira imwe nhevedzano yehurukuro.
◻ Munguva pfupi yapfuura, Ecuador yakaita mutemo unobvumira rudzidziso kudzidziswa muchikoro. Imwe hanzvadzi mufundisi yakashanyira mutarisiri wechikadzi wechimwe chikoro chepuraimari ndokubvunza mashandire ayo mutemo mutsva wakanga uchiita. Mutarisiri wacho akatsanangura kuti kuedza kwakaitwa kutanga chirongwa pakunamatwa kwaMaria asi hapana chakamboitika. Apo hanzvadzi yacho yakataura kuti kunamata kwakadaro kwaigona kuparira zvinetso vana vasiri vaKaturike, mutarisiri wacho akabvuma. “Kune rumwe rutivi,” mufundisi wacho akadaro, “tine chirongwa chokudzidzisa nheyo dzetsika dzinobva muBhaibheri idzo dzisingagombedzeri munhu kugamuchira rudzidziso rwakati.” Mutarisiri wacho akapindura kuti: “Munogona kuuya rini? Kuswera mangwana?” Pashure pokunge mufundisi wacho amuratidza bhuku raKuteerera kuno Mudzidzisi Mukuru, kwakasarudzwa kuti vaizorangarira ganhuro rinoti “Vanofara Vanorugare.”
Pakudzokera kwake, mufundisi wacho akapedza maawa matatu achishanyira makamuri okudzidzira manomwe akasiyana-siyana mutarisiri wacho achiteerera. Pashure pechidzidzo nekirasi yegiredhi rechishanu, mumwe wavadzidzi akati: “Mai, ndapota ivai nechokwadi chokushanyira giredhi rechitanhatu. Nguva dzose vari kuedza kutirova ndokutanga kurwa!” Mumwe mudzidzisi akatsinhira kuti: “Masimba masimba musoro unokosha zvakadaro. Tinoda nguva yakawanda yokukurukura iyi nhau.”
Gadziriro dzakaitwa dzeshanyo dzedzokerero kuchikoro chacho kunokurukura misoro yakadai sekuteerera nokureva nhema. Kusvikira panguva ino, migumisiro yacho yave ichigutsa zvikuru. Zvino apo hanzvadzi mufundisi yacho inodzika nomugwagwa, vana vacho vanouya vachimhanya kunoikwazisa nokubvunza mibvunzo yeBhaibheri. Vamwe nokudada vanoisuma kuvabereki vavo. Mukuwedzera, fundo yeBhaibheri yapamusha yakatangwa navaviri vevana vechikoro vacho.