RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 5/15 p. 32
  • Mufambiro Wakaisvonaka Unounza Rumbidzo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mufambiro Wakaisvonaka Unounza Rumbidzo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 5/15 p. 32

Mufambiro Wakaisvonaka Unounza Rumbidzo

PEPANHAU reItaly La Gazzetta del Mezzogiorno rakarumbidza Zvapupu zvaJehovha nokuda kwokubudisa nyaya yaiti “Matera—Guta Remapako Okugara Anoshamisa.” Nyaya iyi yakabuda muchinyorwa chemagazini yeMukai! yechiNgezi yaJuly 8, 1997, icho chakaparadzirwa zvikuru mumitauro yakawanda. Mukai! pari zvino iri kushandurwa mumitauro 81 uye makopi anopfuura mamiriyoni 19 ari kuparadzirwa munyika yose. Pepanhau racho rakatsinhira kuti Mukai! yakatora mukombe “panhimbe dzokushambadzira kuti itsigire nhaka yenhau uye younyanzvi yeguta [reMatera].”

Pepanhau racho rakarumbidza Zvapupu maererano neKokorodzano Yoruwa yo“Kutenda Shoko raMwari” yakaitirwa muMatera muna 1997. Nyaya yacho yakataura kuti Zvapupu zvakakwanisa “kuita kuti vanhu 4 000 vaende muXXI Settembre Stadium yomu[guta] pakati pezhizha uye muzuva rinogocha; zvakatarisira kuchenesa, kupendazve, uye kugadziridzwazve kwenzvimbo iyi yemitambo (zvikurukuru nzvimbo dzezvimbudzi) pasina mubhadharo zvachose, zvichibhadhara ndyiko dzezvishandiso zvipi nezvipi zvaidikanwa pachazvo.”

Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuva vavakidzani vakanaka. (Mateo 22:37-39) Zvinoteverawo zano romuMagwaro: “Mufambire wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti . . . varumbidze Mwari nezuva rokushanyira, kana vachiona mabasa enyu akanaka.”—1 Petro 2:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe