RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 5/1 p. 32
  • Kuregererei Kuva Pamwe Chete Nazvo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuregererei Kuva Pamwe Chete Nazvo?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 5/1 p. 32

Kuregererei Kuva Pamwe Chete Nazvo?

Ndjaukua Ulimba ane makore 73, uye gore rakapfuura akafamba rwendo rwemakiromita 450. Akafamba daro rose, uye zvakamutorera mazuva 16.

Uyu murume akura akafamba rwendo rwake rurefu kuitira kuti apinde imwe yekokorodzano dzoruwa yegore negore yeZvapupu zvaJehovha. Pashure pekokorodzano yacho, afadzwa zvikuru uye asimbiswa mumudzimu, akafamba achienda kumba zvekare—mamwe mazuva 16. Zvakanga zvakafanira nhamburiko yacho here? Hungu, zvirokwazvo! Ndjaukua Ulimba akafamba rwendo urwu gore negore kwemakore akati.

Uyu murume wemuAfrica akanga ari mumwe wevanopfuura mamiriyoni 15 vanobva munyika dzinopfuura 230 vakapinda kokorodzano dzeZvapupu zvaJehovha gore rapfuura. Vazhinjisa, chokwadika, vaisafanira kufamba kwemazuva kuti vaende kunzvimbo yekokorodzano. Vakawanda zvikurusa vakasvika nemotokari, bhazi, chitima, kana kuti ndege. Wakanga uri mumwe wavo here?

Muna 1998, kokorodzano dzichaitwa zvekare munyika yose, zvikurukuru mumwedzi yezhizha (kana kuti mukati mechirimo). Kana utano huchibvumira, Ndjaukua Ulimba angangofamba rwendo rurefu rwakafanana kuitira kuti avepo. Iye nemamwe mamiriyoni evamwe vachanzwa purogiramu inoshanda, inosimbisa kutenda, uye inopa simba. Kuvose vanopinda, kokorodzano yacho ichava chinhu chikuru chegore. Iwewo unokokwa noushamwari kuti uvepo. Zvapupu zvaJehovha zviri munzvimbo yako zvichafara kukuudza nzvimbo yekokorodzano iri pedyosa newe.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe