Ndiani Ari Kuparira Zvose?
ACHIVHURA nzira yake nomusango muCambodia, Henri Mouhot, mupanguri wechiFrench wezana remakore rechi19, akasvika pamugero mukuru wakanga wakapoteredza temberi. Inenge kiromita imwe kubva paakanga akamira, shongwe shanu dzetemberi yacho dzaikwira mudenga kusvika mamita anopfuura 60 mumhepo. Yakanga iri Angkor Wat, chidhori chikurusa chorudzidziso pasi pano. Chakanga chatokurira mamiriro okunze akakasharara kwemazana manomwe emakore pachakawanwa naMouhot.
Mouhot aigona kuziva nokutarisa kamwe chete kuti zvivako zvakafukidzwa nechikwindi zvakanga zviri basa remaoko evanhu. “Zvakavakwa nemunhu asingazivikanwi ane unyanzvi hwaMichelangelo wekare, zvakaisvonaka kupfuura chinhu chipi nechipi chatakasiyirwa neGirisi kana kuti Roma,” akanyora kudaro. Pasinei zvapo nokuva zvakasiyiwa kwemazana emakore, akanga asina mubvunzo kuti zvivako zvakaisvonaka, zvaiva nomugadziri.
Nenzira inofadza, bhuku reuchenjeri rakanyorwa mazana emakore akapfuura rakashandisa pfungwa dzakafanana kutsanangura chikonzero nei nyika yakatipoteredza ichifanira kuva basa reMugadziri. Inofanira kuve yakasikwa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi iye, wakavaka zvose, ndiye Mwari.” (VaHebheru 3:4) Vamwe vangasabvumirana nokuenzanisa uku, vachiti: ‘Kushanda kwezvinhu zvomusikirwo kwakasiyana nezvakaitwa nemunhu.’ Zvisinei, havasi vasayendisiti vose vanobvumirana nokuramba ikoko. Pashure pokubvuma kuti “zvinhu zvebiochemistry hazvisi zvinhu zvine upenyu,” Michael Behe, purofesa webiochemistry paLehigh University, anobvunza kuti: “Zvinhu zvebiochemistry zvinogona kugadzirwa noungwaru here?” Anopfuurira kuratidza kuti vasayendisiti zvino vari kugadzira chinjo dzinokosha muzvinhu zvipenyu kupfurikidza nemitoo yakadai segenetic engineering. Nenzira yakajeka, zvose zviri zviviri zvinhu zvine upenyu nezvisina upenyu zvinogona kurongwa uye kuchinjwa! Achinzvera nemamicroscope masero ezvinhu zvipenyu anooneka bedzi nemicroscope, Behe anokurukura gadziriro dzinoshamisa dzakaoma kunzwisisa dzinoumbwa nezvinhu zvinotsamirana kuti zvishande. Mhedziso yake? “Mugumisiro wenhamburiko idzi dzinotevedzana dzokunzvera sero—kunzvera upenyu pamwero wemamolecule—unozivisa zvakajeka kuti sero mugumisiro we‘kugadzirwa!’”
Vanonzvera chisiko uye vanonzvera physics nenzira yakafanana vakanzvera nokungwarira nyika nechisiko chose uye vakawana maidi anoshamisa. Somuenzaniso, zvino vanoziva kuti kudai kwakanga kwava nokuchinja kudukusa kwenhamba dzisingachinji dzipi nedzipi muchisiko, chisiko chingadai chisina upenyu.a Anonzvera chisiko Brandon Carter akadana maidi aya kuti zviitiko zvinoshamisa. Asi kana ukanangana nezviitiko zvisinganzwisisiki, zvakabatana, ungasambonyumwira kuti mumwe ari kuzviparira here?
Zvirokwazvo, kune Mugadziri ari kuparira gadziriro dzose idzi dzakaoma kunzwisisa uye “zviitiko” zvakanyotsogadzirirwa. Ndiani? “Kuziva mugadziri nemitoo yesayenzi kungava kwakaoma zvikuru,” anobvuma kudaro Purofesa Behe, uye anosiyira mubvunzo wacho ku“uzivi nerudzidziso” kuti zviedze kupindura. Iwe semunhu oga ungafunga kuti mubvunzo wacho haunei newe. Zvisinei, kana ukagamuchira pasuru yakaputirwa zvakaisvonaka yakazara nezvawaida chaizvo, ungasada kutsvaka kuti ndiani akaitumira kwauri here?
Tichitaura nokufananidzira, takagamuchira pasuru yakadaro—pasuru yakazara nezvipo zvakaisvonaka zvinotigonesa kurarama ndokufarikanya upenyu. Pasuru iyoyo pasi, negadziriro dzaro dzose dzinoshamisa dzokutsigira upenyu. Hatifaniri kuda kuziva kuti ndiani akatipa zvipo izvi here?
Nenzira inofadza, Akatumira pasuru yacho akabatanidza tsamba pairi. “Tsamba” yacho ibhuku riye rekare rouchenjeri ranokorwa mashoko munguva yapfuura—Bhaibheri. Mumashoko aro okutanga, Bhaibheri rinopindura norupfave runoshamisa uye nokujeka mubvunzo wokuti ndiani akatipa pasuru yacho: “Pakutanga Mwari wakasika denga nenyika.”—Genesi 1:1.
Mu“tsamba” yake Musiki anozvizivisa nezita: “Zvanzi naMwari Jehovha, iye wakasika denga nenyika . . . . iye wakatambanudza nyika nezvinobvamo, iye unopa vanhu varimo kufema.” (Isaya 42:5) Hungu, Jehovha ndiro zita raMwari akagadzira chisiko chose uye akaita varume nevakadzi vari pasi pano. Asi Jehovha ndiani? NdiMwari akaita sei? Uye nei vanhu vose vapasi vachifanira kumuteerera?
[Mashoko Omuzasi]
a “Nhamba dzisingachinji” inhamba dzinoratidzika sedzinoramba dzakadaro muchisiko chose. Mienzaniso miviri kumhanya kwechiedza uye ukama hwesimba rinokwevera pasi neuremu.
[Mufananidzo uri papeji 3]
Angkor Wat yakavakwa nevanhu
[Mufananidzo uri papeji 4]
Paunogamuchira chipo, haudi kuziva akachitumira here?