Tapota Iva Pamwe Chete Nesu Pachiitiko Chaicho
paMugovera, April 11, 1998
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinokukoka noushamwari kuzorangarira pamwe chete nazvo chipo chaMwari cheMwanakomana wake, Jesu Kristu. Chipo ichi chakazarurira vanhu kariro yokufarikanya upenyu husingaperi pasi pano.—Johane 3:16.
Gore rino Chirangaridzo chorufu rwaJesu chichachengetwa pashure pokudoka kwezuva paMugovera, April 11. Musi iwoyo unowirirana naNisani 14 wekarenda yomwedzi womudenga weBhaibheri. Tapota bvunza Zvapupu zvaJehovha zvemunharaunda nzvimbo yokusangana uye nguva chaiyoiyo.