Kokorodzano “Inoshamisa” Inorumbidzwa
MUSHAMARARI wemuredhiyo muLima, Peru, akanga asina chokwadi zvikuru neZvapupu zvaJehovha. Pashure pokupinda imwe yekokorodzano dzavo dzoruwa, zvisinei, kuita kwake kwakachinja zvinoshamisa. Kutaura idi, akaororwa kwazvo zvokuti akataura tsinhiro dzakanaka kuvateereri vake vomuredhiyo. Zvinotevera ndizvo zvezvimwe zvaakataura:
“Kokorodzano yacho yakanga ichishamisa chaizvoizvo. Pakanga pasina chidimbu chepepa pasi kana vatengesi vaivapo. Pakanga pasina kutadza kufamba nemotokari dzakawandisa kwevanhu nemotokari. Vanhu vane zviuru zvishanu nemazana maviri vakazvibhadharira kuenda kunhandare yacho, mumwe nomumwe ane bhagidhi, chijira, chokubvisisa huruva, gwati, mutsvairo, bhurasho, magirovhisi, uye mushonga wokugezesa nokukorobha nzvimbo yacho. Kwaida kupendwa, vakanopenda. Uye mari yacho yaibva kupi? Vakauya nayo ivo pachavo! Pavanoziviswa pamusoro pechimwe chinhu chinofanira kuitwa, nokukurumidza vose vanopa mari yavo. Chokwadi Chechi yeKaturike haiitiri hanya nhau dzakadaro. Ndinoda kukorokotedza Zvapupu zvaJehovha uye avo vakaronga chiitiko ichi. Uye ndinoda kuvaudza kubva pasi pemwoyo wangu, Mwari ngaakubetserei uye ngaakukomborerei.”
Mumaguta munyika yose gore rino, Zvapupu zvaJehovha zvichafarikanya Kokorodzano Yoruwa ye“Nzira yaMwari Youpenyu.” Uchavapo here?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 32]
“Pakanga pasina chidimbu chepepa pasi”