RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 3/1 p. 29
  • Vanachiremba, Vatongi, uye Zvapupu zvaJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanachiremba, Vatongi, uye Zvapupu zvaJehovha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 3/1 p. 29

Vanachiremba, Vatongi, uye Zvapupu zvaJehovha

KARE muna March 1995, Zvapupu zvaJehovha zvakatsigira misangano miviri muBrazil. Chinangwa chacho? Kutsvaka kubatira pamwe kwevashandi vezvokurapa uye vezvemitemo apo murwere anenge ari mumwe weZvapupu zvaJehovha uye asingagoni kubvuma kuisirwa ropa.—Mabasa 15:29.

Zvinosuruvarisa, muzvimwe zviitiko vanachiremba vakafuratira zvido zvevarwere vari Zvapupu uye vakatsvaka kurayira kwedare kuti vamanikidzire kuisira ropa. Muzviitiko zvakadaro Zvapupu zvaishandisa mitoo ipi kana ipi yepamutemo yaiwanika kuti zvizvidzivirire. Kunyange zvakadaro, zvaida kubatira pamwe panzvimbo pokurwisana. Nokudaro, misangano yacho yakasimbisa kuti kune zvakawanda zvinotsiva kurapa kwokuisirwa ropa uye kuti Zvapupu zvaJehovha zvinofara kugamuchira izvi.a

Musangano weRegional Council of Medicine of São Paulo yeBrazil wakanga watotsigira chimiro cheZvapupu. Muna January 1995 apo dare racho rakasangana muSão Paulo State, rakasarudza kuti kana pane chikonzero chokusabvuma kurapa kunorumbidzwa nachiremba, murwere ane kodzero yokukuramba uye kusarudza mumwe chiremba.

Zvinorumbidzwa, zvino kune mazana avanachiremba muBrazil vanodisa kurapa vasingashandisi ropa kuvarwere vavo vanokumbira kudaro. Kubva pamisangano yaMarch 1995, kubatira pamwe pakati pavanachiremba, vatongi, uye Zvapupu zvaJehovha muBrazil kwakavandudzika zvikuru. Muna 1997 imwe magazini yekuBrazil yezvokurapa Âmbito Hospitalar yakabudisa nyaya yakaomerera pakodzero dzeZvapupu zvaJehovha dzokuita kuti chimiro chazvo panhau yeropa dziremekedzwe. Zvinozivikanwa zvikuru kuti, sezvakataurwa nemaRegional Councils of Medicine emumaruwa eRio de Janeiro neSão Paulo, “basa rachiremba rokudzivirira upenyu hwomurwere wake harifaniri kupfuura basa rake rokudzivirira kodzero yokusarudza yomurwere wacho.”

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwemamwe mashoko, ona bhurocha rinonzi Ropa Rinogona Sei Kuponesa Upenyu Hwako?, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe