“Ndiyo Testamende Itsva Yakanakisisa yeInterlinear Inowanika”
IKOKO ndiko kurondedzera kunoita Dr. Jason BeDuhn The Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures. Anotsanangura kuti:
“Ndichangopedza kudzidzisa kosi yeReligious Studies Department of Indiana University, Bloomington, [U.S.A.] . . . Zvikurukuru iyi ikosi yeEvhangeri. Kubetsera kwenyu kwakauya mumakopi eThe Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures ayo akashandiswa nevadzidzi vangu serimwe remabhuku okufunda mukirasi. Aya mavhoriyamu maduku aikosha zvikuru mukosi yacho uye aidiwa zvikuru nevadzidzi vangu.”
Nei Dr. BeDuhn achishandisa shanduro yeKingdom Interlinear mumakosi ake ekoreji? Anopindura kuti: “Kuchitaurwa zvakapfava ndiyo interlinear yeTestamende Itsva yakanakisisa inowanika. Ndiri nyanzvi yeBhaibheri yakarovedzwa, yakarovedzana nemagwaro uye maturusi ari kushandiswa zvino muzvidzidzo zveBhaibheri, uye, sezvineiwo, handisi mutezo weZvapupu zvaJehovha. Asi ndinoziva chinyorwa chakanaka pandinochiona, uye ‘Dare [renyu] Reshanduro yeBhaibheri Yenyika Itsva’ rakaita basa raro zvakanaka. Kushandura kwenyu interlinear yechiNgezi kwakarurama uye kunobvumirana zvikuru zvokuti kunomanikidza muravi kurangarira zvakakomba misiyano yemitauro, yetsika, uye mifungo iri pakati penyika inotaura chiGiriki neyedu. ‘Shanduro [yenyu] Yenyika Itsva’ ishanduro yakaisvonaka, yeshoko neshoko iyo inodzivisa tsika dzokunyengera mukutendeka kwayo kuchiGiriki. Munzira dzakawanda, inopfuura shanduro dzinobudirira zvikuru dzinoshandiswa nhasi.”
The Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures inobudiswa neZvapupu zvaJehovha kuti ibetsere vanhu vanoda Shoko raMwari kurovedzana norugwaro rwepakuvamba rwechiGiriki rweBhaibheri. Kurutivi rworuboshwe rwepeji ine The New Testament in the Original Greek (yakanyorwa naB. F. Westcott uye F. J. A Hort). Kushandurwa kweshoko neshoko kwechiNgezi kunowanwa muzasi memitsara yerugwaro rwechiGiriki. Muchikamu chiduku chiri kurudyi mune New World Translation of the Holy Scriptures, izvo zvinokubvumira kuenzanisa kushandura kweinterlinear nokushandurwa kwazvino kwechiNgezi kweBhaibheri.