Anorumbidza Musiki Wawo Chinyararire
KUVIRA kwezuva kunoorora nomusikirwo. Asi kuona zuva richidzika seri kwegomo iri chairo muMakomo eApuan yeTuscany muItaly, chokwadi hakuna kufanana nokumwe.
Richionekwa uri kure, zuva rinoita seriri kudonhera mugomo racho panzvimbo pokudzika seri kwaro. Nei? Nemhaka yokuti pamusorosoro pegomo racho pane gomba rinoita serakacherwa mugomo racho. Zvirokwazvo, nzvimbo iyi refu inopinda mugungwa yakawana zita rayo, Monte Forato—Gomo Rakacherwa. Nemhaka yekutenderera zuva kunoita pasi, panhambo mbiri bedzi gore rimwe nerimwe avo vanotarira nomugomba vanogona kuona zuva seriri kudonhera muMonte Forato.
Kufanana nezvimwe zvinhu zvechisiko, matenga asina upenyu anorumbidza Musiki wawo. Sei? Munzira imwe cheteyo iyo inoita mufananidzo wakaisvonaka ungaunzira rumbidzo kumunyori wemifananidzo akauita. Chaizvoizvo, mitumbi yomuchadenga inotaura nezvesimba raJehovha, uchenjeri, uye ukuru. Sezvakataura wezvemapisarema, “kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.” (Mapisarema 19:1; 69:34) Sezvo zuva nemimwe mitumbi isina upenyu zvichirumbidza Musiki wazvo, isu tinofanira kuita zvakawanda zvikuru kwazvo!—Pisarema 148:1, 3, 12, 13.