RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w98 1/1 p. 32
  • Mhinduro Inodenha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mhinduro Inodenha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
w98 1/1 p. 32

Mhinduro Inodenha

Catholic Herald, pepanhau reRoma Katurike yokuBritain, nguva pfupi yapfuura rakabudisa tsamba inotevera yakabva kumuravi aiva muWales: “Humwe usiku, Zvapupu zvaJehovha zviviri zvakauya pasuo rangu. Ndakakwanisa kutaura kuti yakanga iri Chechi yeKaturike yaivimbisa kuvimbika kweTestamende Itsva yazvainokora mashoko. Kukushamiswa kwangu, mumwe wavo akabvuma. ‘Hungu,’ akadaro, ‘munoisimbisa asi hamuiteveri. Jesu akati, “mudane, seni ndakakudai imi,” asi imi munourayana. Muhondo yakapfuura, vaKaturike vakauraya vaKaturike, asi hapana Chapupu chaJehovha chakauraya [chimwe] Chapupu.’ Ndaigona kuitei kunze kwokubvuma? Tinganyengeterera sei kubatana ne‘hama [dzedu] dzatakaparadzana nadzo’ kana pasina kubatana chaikoiko pakati pedu pachedu? Hatifaniri kutanga taruramisa chinetso ichi here?”—Johane 15:12.

Hondo mbiri dzenyika dzezana rino ramakore rechi20 dzose dziri mbiri dzakatanga muchiKristudhomu uye dzakauraya vanhu vane mamiriyoni 50 kusvika 60. Zvinogona kutaurwa zvechokwadi, kunyange zvakadaro, kuti Zvapupu zvaJehovha hazvina kutora rutivi muhondo idzodzo, uyewo hazvibatanidzwi muhondo dzipi nedzipi dziri kuitika iko zvino. Izvi zvinobvira sei? Zvinokubetsera iwe kuwana zvakawanda pamusoro pezvisungo zvakasimba zvorudo rwechiKristu nokubatana uko Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamiriyoni mashanu zvinazvo munyika yose.—Enzanisa naIsaya 2:4.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

U.S. National Archives photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe