RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 12/15 p. 30
  • Unoyeuka Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoyeuka Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Muenzaniso Wokuzvipira uye Wokuvimbika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • ‘Rambai Muchikanganwirana Makasununguka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Erisha Akaona Ngoro Dzomoto​—⁠Unodzionawo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 12/15 p. 30

Unoyeuka Here?

Wakaonga kurava zvinyorwa zvomunguva pfupi yapfuura zveNharireyomurindi here? Naizvozvo, ona kana uchigona kupindura mibvunzo inotevera:

◻ Ndechipi chiri chinangwa chikuru chedzidzo nokuda kwepwere yechiKristu?

Chinangwa chikuru chedzidzo chinofanira kuva chokushongedza pwere kuti ive mushumiri anobudirira waJehovha. Uye dzidzo inokosha zvikurusa kuti iite chinangwa ichocho idzidzo yomudzimu.—8/15, peji 21.

◻ Ndezvipi zviri zvikonzero zvokushuma chakaipa chakakomba chomuKristu biyedu kuvakuru?

Chimwe chikonzero chokushuma chakaipa chakakomba ndechokuti zvinoshanda kuchengetedza kuchena kweungano. Chimwezve chikonzero ndechokuti kuita kudaro chiito chorudo rwune nheyo rwechiKristu rwunoratidzirwa kuna Mwari, kuungano, uye kumuiti wechakaipa.—8/15, mapeji 28, 30.

◻ Zvinorevei kuramba tichi“nyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha”? (2 Petro 3:12, NW)

Izvi zvinoreva kusabvisa “zuva raJehovha” mundangariro dzedu. Hatifaniri kukanganwa kuti zuva apo Jehovha achaparadza tsika ino yezvinhu rava pedyo. Rinofanira kuva chairoiro kwatiri zvokuti tinoriona zvakajeka, seriri pamberi pedu chaipo. (Zefania 1:7, 14)—9/1, peji 19.

◻ Nei mazuva okupedzisira etsika ino yakaipa yezvinhu apfuurira kwenguva refu kupfuura zvaikarirwa navakawanda?

Jehovha anorangarira zvinobatsira rudzi rwose rwomunhu. Anoitira hanya upenyu hwavanhu. (Ezekieri 33:11) Tinogona kuva nechivimbo chokuti mugumo uchasvika panguva yakafanira kuti uzadzike chinangwa choMusiki wedu akachenjera zvikuru, ane rudo.—9/1, peji 22.

◻ Avo vari mubasa renguva yakazara vanogona sei kuramba vane mufaro wavo pasinei zvapo nezvinetso zvinganangana navo?

Vanofanira kufunga nezvezvikomborero zvakawanda zvavanazvo uye kuziva kuti zviuru zvavamwe zvinotambura nhamo dzakatokura. (1 Petro 5:6-9)—9/15, peji 24.

◻ Vavariro yaWilliam Tyndale yakanga iri yei mukushandura Bhaibheri?

Vavariro yaTyndale yakanga iri yokuita kuti Magwaro ataure kumunhuwo zvake mumashoko akarurama uye akapfava sezvinobvira.—9/15, peji 27.

◻ Tinogona sei kuratidza kuti tiri vatsigiri vakavimbika veShoko raMwari?

Tinoratidza kuvimbika kwedu kuShoko raMwari kupfurikidza nokuriparidza nokushingaira kuvamwe. Savadzidzisi, tinofanira kushandisa Bhaibheri nokungwarira, tisingamborimonyanisi kana kuti kuwedzera zvarinotaura kuti zvikodzerane nepfungwa dzedu. (2 Timotio 2:15)—10/1, peji 20.

◻ Mudzimu une ngozi wenyika unogona sei kunetesa kutendeseka kwedu?

Mudzimu wenyika unogona kunetesa kutendeseka kwedu kupfurikidza nokutiita kuti tisagutsikana nezvatinazvo uye kufunganya kuti tiise zvatinoda nezvatinofarira pamberi pezvaMwari. (Enzanisa naMateo 16:21-23.)—10/1, peji 29.

◻ Zvinorevei kubatira Jehovha nemweya wose?

“Mweya” unonongedzera kumunhu wose, nemano ake ose omuviri neendangariro. Kubatira Jehovha nemweya wose kunoreva kuzvipa, kushandisa mano edu ose uye kushandisa simba redu zvakazara kusvika kumwero unobvira mubasa raMwari. (Marko 12:29, 30)—10/15, peji 13.

◻ Chii chinokosha kuti uve munhu wenheyo dzaMwari?

Chinokosha kuziva Jehovha chaizvoizvo, zvaanoda, zvaasingadi, uye zvinangwa zvake. Apo izvi zvinokosha zvine chokuita naMwari zvinodzora upenyu hwedu, zvinova, chaizvoizvo, nheyo mhenyu. (Jeremia 22:16; VaHebheru 4:12)—10/15, peji 29.

◻ Murangariroi wakadzikama une vabatiri vaJehovha pamusoro pokutonga kwavanhu?

Havatori rutivi munhau dzezvematongerwe enyika nemhaka yokuti vanoshanda savamiriri kana kuti nhume dzoUmambo hwaMwari. (2 VaKorinte 5:20) Pane rumwe rutivi, vanozviisa pasi nokungwarira pevaya vane chiremera.—11/1, peji 17.

◻ Ndechipi chidzidzo chatinogona kudzidza munzira yakatorwa naErisha muporofita?

Paakapiwa kokero yekubasa chairo naEria, Erisha akakurumidza kusiya munda wake kuti ashumire Eria, kunyange zvazvo mamwe amabasa ake aizova asingakoshi. (2 Madzimambo 3:11) Vamwe vavashumiri vaMwari nhasi vakaratidzira mudzimu wakafanana wokurega zvimwe zvinhu kupfurikidza nokusiya mararamiro avo kuti vaparidze mashoko akanaka mundima dziri kure.—11/1, peji 31.

◻ Nderipi zano rinobetsera riri mutsamba yaJakobho?

Inotiratidza nzira yokutarisana nayo nezvinetso, inotitsiura pamusoro porusaruro, uye inotikurudzira kubatikana mumabasa akarurama. Jakobho anotikurudzira kudzora rurimi, kudzivisa pesvedzero dzenyika, uye kutsigira rugare. Mashoko ake anogonawo kutibetsera kuva vanoshivirira uye vanonyengetera.—11/15, peji 24.

◻ Nei Jehovha “akagadzirira kukanganwira”? (Pisarema 86:5, NW)

Jehovha anokanganwira nyore nyore nemhaka yokuti haakanganwi kuti tiri zvisikwa zveguruva, tine utera, kana kuti tinoneta, somugumisiro wokusakwana. (Pisarema 103:12-14)—12/1, mapeji 10, 11.

◻ Nei tichifanira kudisa kukanganwira vamwe?

Kana tikaramba kukanganwira vamwe panenge pane hwaro hwengoni, zvinogona kutapura zvakaipa ukama hwedu pachedu naMwari. (Mateo 6:14, 15)—12/1, peji 17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe