Akashongedzwa Mhete Yendarama
KUBVA munguva dzapakuvamba zvikurusa, zvinhu zvendarama zvinogadzirwa namabwe anokosha zvave zvichikosheswa zvikuru nokuda kwokukosha kwazvo nokunaka. Paakava mutungamiriri wehurumende muEgipita, Josefa akagamuchira nekiresi yendarama kubva kuna Farao. (Genesi 41:42) Rebheka akapiwa mhete yepamhino yendarama nendarira mbiri dzendarama, zvinokosha mari yanhasi inenge $16 800. (Genesi 24:22) Pasina mubvunzo, izvi zvipo zvinokosha zvakagamuchirwa nokuonga ndokupfekwa nomufaro.
Bhaibheri rinotaura nezvezvinhu zvinogadzirwa namabwe anokosha zvokufananidzira izvo zvinokosha zvikuru kupfuura zviya zvakapfekwa naJosefa naRebheka. Zvirevo 25:12 inoti: “Murayiri wakachenjera panzeve inoteerera, zvakafanana nechindori chenzeve chendarama noukomba hwendarama yakaisvonaka.” Apo mupi wezano anopa zano rakavakirwa paShoko raMwari panzvimbo pomurangariro wake pachake, zvirokwazvo ari kupa chipo chinokosha. Nei? Nemhaka yokuti pakupedzisira zano rakadaro rinobva kuna Jehovha pachake. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; usaneta nokurayira kwake. Nokuti Jehovha unorayira mudikanwa wake; sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira.” (Zvirevo 3:11, 12) Muteereri paanogamuchira zano nenzira yokuzvininipisa ndokurishandisa, ari kuita sokunge ari kuzvishongedza mhete yendarama. Zvakaita chaizvo sezvinotaura chirevo chakafuridzirwa cheBhaibheri kuti: “Munhu, wawana uchenjeri, une mufaro, naiye munhu, unowana njere. Nokuti kuwana ihwo kunopfuura kuwana sirvheri; nokuhupfuma ihwo kunopfuura kupfuma ndarama.”—Zvirevo 3:13, 14.