RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 12/1 p. 32
  • Mirayiro Gumi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mirayiro Gumi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 12/1 p. 32

Mirayiro Gumi

BHISHOPI weGloucester weEngland akawana kuti isingapfuuri hafu yavafundisi muruwa rwake rwabhishopi yakanga isingagoni kudzokorora Mirayiro Gumi, uye 10 muzana vavo vakanga vasingazivi pokuiwana muBhaibheri. Asi iwayo akanga ari makore 450 akapfuura. Mamiriro ezvinhu akavandudzika kubva ipapo here? Nyangwe—sokuzivisa kunoita kungonzverawo zvako kwakaitwa neSunday Times kwazvino kwevafundisi veAnglican.

Pavafundisi 200 vakabvunzurudzwa, 34 muzana bedzi ndivo vaigona kutaura Mirayiro Gumi yose. Pakati pavakawanda vasara, mumwe akafunga kuti yakanga ichinyanyodzivisa zvakawanda, uye mumwe akaitaura seisingakoshi kuzvinetso zvazvino zvetsika.

Unoziva Mirayiro Gumi kana kuti kwokuiwana here? Yakanyorwa pana Eksodho, bhuku rechipiri reBhaibheri, ndima 17 dzokutanga dzeganhuro 20. Kuregerei kudzirava? Heino nzira iri nyore yokuiisa nayo mumapoka. Mina yokutanga ine chokuita nokunamata kwedu Mwari, wechishanu unosimbisa upenyu hwemhuri, wechitanhatu kusvika kune wechipfumbamwe ine chokuita neukama hwedu navanhu biyedu, uye wechigumi wakasiyana, unotiita kuti tizive mwoyo yedu, kuti tinzvere vavariro dzedu. Heino pfupiso yenzira iyo vaKristu vangashandisa nayo nheyo dzacho.

Chokutanga: Zvipe nenzira yakazara kuMusiki wedu. Chechipiri: Usashandisa zvidhori pakunamata. Chechitatu: Nguva dzose remekedza uye koshesa zita raMwari. Chechina: Bvumira nguva yokupa ngwariro pazvinhu zvomudzimu, pasina kudzongonyedzwa. Chechishanu: Vana, remekedzai vabereki venyu. Chechitanhatu: Usaponda. Chechinomwe: Dzivisa upombwe. Chechisere: Usaba. Chechipfumbamwe: Taura chokwadi. Chechigumi: Usachiva.

Mirayiro Gumi yakanga iri rutivi rwebumbiro remitemo rakapiwa Mosesi. Asi nheyo dzainobatanidza hadzina kuganhurirwa kunguva yakati. (VaRoma 6:14; VaKorose 2:13, 14) Nokuda kweichi chikonzero, vateveri vaJesu vakanokora ndokunongedzera kuMirayiro Gumi. (VaRoma 13:8-10) Upenyu hungadai huchifadza zvikuru sei—uye hwakachengeteka—kudai vanhu vose vairemekedza ndokurarama mukuwirirana neidzi nheyo dzakafuridzirwa naMwari!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe