Mushumo Wavazivisi voUmambo
Pwere Dzinorumbidza Mwari muDemocratic Republic of Congo
MAZANA AMAKORE apfuura, wezvemapisarema akakumbira vaduku nenzira youshamwari kuti vakumbanire mukurumbidza Mambo wekusingagumi achiti: “Majaya nemhandara; vatana navana; ngavarumbidze Jehovha; nokuti zita rake roga rakakurumbira.” (Pisarema 148:12, 13) Zvakaitika zvinotevera zvinobva kuDemocratic Republic of Congo zvinosimbisa iyi ropafadzo isingaenzaniswi.
• Muridzi wepamba paigara mumwe piyona chaiye akafadzwa nokuzvibata kweZvapupu zvaJehovha. Nokudaro akabvumira Zvapupu kuti zvifunde Bhaibheri nemwanasikana wake ane makore mashanu okukura, Fifi. Pashure pokucherekedza kufambira mberi kwaFifi mukufunda Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri,a baba vake vakamubvumira kupinda misangano paHoro yoUmambo. Ikoko, Fifi muduku akadzidza nziyo dzoUmambo dziri mubhuku renziyo reZvapupu. Akada zvikurukuru nziyo nhamba 4, ine musoro unoti “Chipikirwa chaMwari cheParadhiso.”
Rimwe zuva baba vaFifi vakasarudza kuenda naye kuchechi yavo. Fifi akaramba kuimba nziyo dzechechi, zvakashamisa vanhu vose. Nei? Nemhaka yokuti aifunga kuti nziyo dzaiimbwa muchechi yababa vake dzakanga dzisingatsinhirani nezvaakanga adzidza mukufunda kwake Bhaibheri. Nenzira yokushinga, akaimba nziyo yake yoUmambo yaaifarira panzvimbo pezvo.
Pashure pokuedza kunoverengeka kwakakundikana kuchinja ndangariro yake, vatungamiriri vechechi vakasarudza kubvisa Fifi ane makore mashanu okukura! Pasinei zvapo nokubatwa zvisina kufanira uku, baba vake vakaramba vakaterama. Vakafara kuti Fifi akanga aramba akasimba pamusoro pezvaakanga achidavira. Baba vaFifi namai vose vari vaviri vanoda kuti apfuurire kusonganirana neZvapupu zvaJehovha.
• Apo mumwe mukomana wechiduku anonzi Lukodi akasarudza kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, baba vake vakashora zvikuru. Pane imwe nhambo apo Lukodi akanga achigadzirira kuenda kumusangano paHoro yoUmambo, baba vake vakamutyisidzira nebanga. Pane imwe nhambo baba vaLukodi vakamurova nedanda, vachiparira chironda chakakura kumusana wake. Pasinei zvapo nechishoro chacho chakakomba, Lukodi akaramba akasimba kuti ave mumwe weZvapupu zvaJehovha. Akapfuurira kufambira mberi ndokubhabhatidzwa. Zvino anobatira sapiyona wenguva dzose.
Sona, hanzvadzi yaLukodi, akafadzwa kwazvo nechimiro chehanzvadzi yake zvokuti iyewo akavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Kuti vamudzivise kufunda, zvisinei, baba vavo vakaendesa Sona kuchikoro chiri mune musha, kwakanga kusina Zvapupu. Kunyange zvakadaro, Sona akaita muitiro wokutaura navamwe pamusoro pezvinhu zvaakanga adzidza. Somugumisiro, munin’ina wake akafarirawo.
Apo Zvapupu zvomumusha waiva pedyo zvakanzwa nezvebasa raSona rokuparidza, zvakamushanyira ndokumurongera kuti ave nefundo yeBhaibheri yapamusha yenguva dzose. Akapfuurira kufambira mberi uye nokukurumidza akakumbanira hanzvadzi yake seChapupu chakazvitsaurira, chakabhabhatidzwa chaJehovha. Mukuwedzera, munin’ina wake zvino ava muparidzi asina kubhabhatidzwa, uye fundo yebhuku iri kuitwa mumusha uyu.
Zvinofadza uye zvinozorodza zvikuru apo vaduku vanokumbanira kurumbidza zita raJehovha!
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.