RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 11/15 p. 32
  • Kushaya Hope Kwakabatsira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushaya Hope Kwakabatsira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 11/15 p. 32

Kushaya Hope Kwakabatsira

KUNYANGE madzimambo anoshayawo hope. Mumwe mutongi aive nesimba wePersia womuzana ramakore rechishanu B.C.E., Ahashvheroshi, akadaro. Zvichida achirangarira kuti akanga aregeredza basa rakati, akaravirwa zvinyorwa zvoumambo. Akaziva kuti mumwe muranda akatendeka, Mordhekai, akanga adzivisa vanhu vairangana kuuraya mambo asi haana kupiwa mubayiro. Ahashvheroshi akasarudza kururamisa mhosho yacho nokukurumidza. Tapuro dzinoshamisa dzezvaakaitira vanhu vaMwari dzinoratidza kuti kusarara kwamambo kwakaparirwa naMwari.—Estere 6:1-10.

Ungano yeZvapupu zvaJehovha mutaundi reSouth Africa reHermanus ine chikonzero chokuyeuka ichi chikamu cheBhaibheri. Vaichimbosangana muhoro yokurenda. Kwemakore akawanda vakanga vaedza kutenga nzvimbo yacho kuti vavake Horo yavo yoUmambo. Pakupedzisira, muna 1991, nzvimbo yakanaka yakagoverwa neKanzuru yeGuta.

Zvisinei, vamwe vakashora kutengeswa kweiyi nzvimbo kuZvapupu zvaJehovha. Pashure pokumbomiswa kwemwedzi inoverengeka, ungano yakaziviswa kuti nguva yokumbomirira yemakore matatu nehafu yakanga yabvumira kuti nzvimbo yacho itengeserwe machechi, uye kugoverwa kwenzvimbo kwakaregwa. Muna May 1993 ungano yakanyorera zvakare, ichikumbira kanzuru kuti irangarirezve chisarudzo chayo. Mumhinduro vakagamuchira tsamba yaiva nemutsara mumwe, ichitaura kuti mutemo wacho wakanga uchiri kushanda.

Muna October wegore iroro, mumwe wemitezo yekanzuru yetaundi racho haana kurara. Akapedza nguva achitarira zvinyorwa zvekanzuru zvekare kuti aone kana paine nhau dzaida kurangarirwa. Tsamba yakanyorwa neZvapupu zvichikumbira kanzuru kuti irangarirezve chisarudzo chayo yakabata ngwariro yake. Nokudaro akasarudza kuisa nhau yacho pandaza yezvaizokurukurwa mumusangano wavo waitevera. Aida kutaura kuti Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakumbira nzvimbo yacho mutemo usati waiswa panzvimbo yemachechi.

Mukufamba kwenguva ungano yakapiwa nzvimbo imwe chete yavakanga vambopihwa muna 1991! Iri munzira huru, inosvikika zviri nyore nemitezo yeungano nevanofarira. Vakavaka Horo yoUmambo yakaisvonaka, iyo yakatsaurirwa kuna Jehovha musi waOctober 5, 1996.

Nepo ungano ichizvidemba pamusoro pokusarara kwomutezo wekanzuru, anganyaradzwa nechokwadi chokuti kunyange Mambo Ahashvheroshi haana kurarawo. Uye mugumisiro wacho muzviitiko zvose zviri zviviri wakabetsera. Ungano iri kuHermanus zvirokwazvo inoonga kuti ine Horo yoUmambo, nzvimbo yokunamata kwakachena uye yekurovedzwa kwoubati ushe hwaMwari mune iri taundi rakakurumbira.—VaHebheru 10:24, 25.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe