RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 11/15 pp. 3-4
  • Unoshuva Nyika Yakarurama Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoshuva Nyika Yakarurama Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Tingaita Sei Kana Tikasabatwa Zvakanaka?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2025
  • Unogona Kukurira Kusaruramisirwa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Zvichazomboitika Here Kuti Vanhu Vatongwe Zvakarurama?
    Dzimwe Nyaya
  • Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 11/15 pp. 3-4

Unoshuva Nyika Yakarurama Here?

CHIKEPE chemapuranga chine mapango marefu matatu nouriri huviri chinosvika mahombekombe einozivikanwa nhasi seCape Cod, Massachusettes, U.S.A. Vanhu varimo 102 vaneta nokuva mugungwa kwemazuva 66. Vaita rwendo rwakaoma vachiyambuka Atlantic Ocean, vachida kutiza kutambudzirwa rudzidziso uye kushaikwa kwemari.

Sezvo vanhu vari mune ichi chikepe, Mayflower, vanowana nzvimbo musi waNovember 11, 1620, meso avo anopenya netariro yemavambo matsva. Vachishuva kutanga nyika iri nani, vanhu vakuru vakawanda vechirume vaiva muchikepe chacho vanonyorerana Chibvumirano cheMayflower. Vanobvumirana kutanga “mitemo yakarurama uye isingasaruri” nokuda kwe“kubatsirwa kwenyika.” Chishuvo chavo chenyika yakarurama mutsika uye inoitira munhu wose zvakanaka—nyika yakarurama—chakaitika here?

Kunyange zvazvo Chibvumirano chakanyoreranwa muMayflower chichirangarirwa sechinhu chikuru zvikuru chehurumende yeAmerica, kusaruramisira kwakawanda muAmerica, sezvakwakangoita kupota nyika yose. Somuenzaniso, rangarira mumwe murume akapfurwa namapurisa achiedza kutiza pashure pokurozva nokupfura muridzi wechimwe chitoro. Akakwirira mapurisa neguta reNew York ndokubva ahwina mamiriyoni amadhora.

Rangarira mumwe muenzaniso. Vadzidzi vemutemo vechikoro pavakanga vachinyora bvunzo yeugweta muPasadena, California, mumwe wavo akabatwa nepfari ndokudonha pasi. Vadzidzi vaviri vaiva pedyo vakamubatsira kufema kutozosvikira vanachiremba vauya. Vakapedza maminiti 40 vachibatsira munhu wacho. Asi pavakakumbira nguva yokupedzisa bvunzo, vakarambidzwa.

Kunewo nhau yekurangirwa utsotsi. Nyanzvi inoongorora zveupfumi hwenyika Ed Rubenstein anoti: “Vanoita utsotsi vakawanda havasungwi. Vanosungwa vacho havarangwi. Vakawanda vacho vevanopomerwa vane rusununguko rwokufamba. Tsotsi kana richirangarira nezvechirango chinokarirwa, rinoona sechingangovapo, kwete sechinhu chichaitika.” Achishandisa mashoko anoratidza kupazwa kwakaitwa, anogumisa kuti mupazi anobvira “achapukunyuka kusungwa neinopfuura 98 muzana yenguva yacho.” Kuderera kwengozi yechirango kunotungamirira kune humwe utsotsi nevanobirwa.—Muparidzi 8:11.

Munyika dzakawanda vapfumi vashomanene vanoramba vachipfuma nepo varombo vazhinji vanotarisana nokusaruramisira mune zvemari. Kusaruramisira kwakadaro kunovapo apo vanhu vanenge vane mukana muduku wekuvandudza mumiriro wavo wezvinhu kana kuti kutozviraramisa nemhaka yeruvara rwavo rweganda, dzinza, mutauro, kuti murume here kana kuti mukadzi, kana kuti rudzidziso. Maererano neThe New York Times, somuenzaniso, “vanhu vanenge chikamu chimwe muzvina chebhiriyoni muSouth Asia yakazara navaHindu—vazhinji vavo vari muIndia neNepal—vanozvarwa ndokufa vachivengwa.” Mugumisiro wacho ndewekuti mamiriyoni anoona nhamo nourombo, nzara, uye chirwere. Kubvira pavanenge vari vacheche kusvikira vafa upenyu hwavo hunenge kwakazara nokusaruramisira.

Zvakadini nokusaruramisira kuri pachena kusingagoni kudzorwa navanhu? Funga nezvevana vanozvarwa zvisina kururama—vasingaoni, vachirwara nepfungwa, kana kuti vakaremara. Mukadzi haanganzwi here pfungwa yokusaruramisira kana mwana wake akaberekwa akaremara kana kuti akafa nepo vamwe vakadzi vari pedyo vanenge vakabata vana vane utano hwakanaka?

Nenzira inosuruvarisa, kusaruramisira kwakapararira, uye ndizvo zvakaitawo migumisiro yako—kutambura kukuru nokushaikwa kworugare, mufaro, uye kugutsikana. Vatsamwiswa nekusaruramisira kwavanoona kana kuti kwavanotambura, vakawanda vakatendeukira kumasimba masimba, vachingoita bedzi kuti vanhu vatambure. Hondo dzakawanda dzakarwiwa nemhaka yokuti vamwe vakaona kuti havasi kururamisirwa.

Nei munhu akundikana kuunza nyika yakarurama? Nyika yakadaro chinongova chiroto here?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Corbis-Bettmann

[Mufananidzo uri papeji 4]

Kunyorerana Chibvumirano cheMayflower

[Kwazvakatorwa]

Corbis-Bettmann

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe