RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 11/1 p. 32
  • Kuchera “Mvura Yakadzika”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchera “Mvura Yakadzika”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 11/1 p. 32

Kuchera “Mvura Yakadzika”

CHIMWE chirevo cheBhaibheri chinoti: “Mano mumwoyo womunhu angaita semvura yakadzika; asi munhu wenjere uchaichera.” (Zvirevo 20:5) Munguva dzeBhaibheri zvakanga zvakaoma zvikuru kuwana mvura kupfuura zvazviri munyika dzakawanda nhasi. Jesu paakataura nomukadzi weSamaria, akanga achichera mvura mutsime raJakobho, tsime rakanga rakadzika anenge mamita 23!—Johane 4:5-15.

Sokuratidzira kunoita Zvirevo 20:5, nzwisiso inodikanwa kuti tiwane mifungo mikuru nemirangariro zviri mumwoyo womunhu yakafanana zvikuru nenhamburiko inodikanwa kuti tiwane mvura mutsime. Izvi ndezvechokwadi munharaunda zhinjisa dzoupenyu. Somuenzaniso, sezvingabvira unoziva vanhu avo mumakore akawanda vakawana zivo yakawanda kwazvo noruzivo rwokuzviwanira. Kana ivava vasingasundwi kupa zano nokuzvidira, ungafanira kuvaita kuti vataure. Kupfurikidza nokuratidza kufarira, kubvunza mibvunzo, uye kunzvera nenzira younyanzvi, uchava uchiita seuri kudonhedzera mugomo wako mutsime rouchenjeri.

Zano raZvirevo 20:5 rinoshandawo mumhuri. Kakawanda, vadzimai vanonzwika vachiti: “Murume wangu haanditauriri kunzwa kwaanoita!” Murume angati: “Mudzimai wangu anongonyarara!” Mumamiriro ezvinhu akadaro, kunzwisisa kunodikanwa kuti ubudise mifungo iri mumwoyo womumwe. Mibvunzo younyanzvi (Zuva rako ranga rakaoma here? Chii chaitika? Ndingabetsera sei?) kakawanda inogona kutanga kurukurirano yomwoyo wose. Kuratidza kunzwisisa kwakadaro kuchasimbisa chisungo cheroorano, zvichibetsera vose vari vaviri murume nomudzimai.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe