Unogona Kuvimba Nezvipikirwa Zvaani?
MUNA 1893 boka renyanzvi 74 dzemagarire avanhu rakaungana paChicago World’s Fair kuti rikurukure nezvenguva yemberi. (Pairi panoratidzwa pamusoro apa.) Vachitarisa makore 100 mberi kusvika kuna 1993, vakafanotaura zvinotevera: “Vanhu vakawanda vachararama makore 150.” “Majere achashomeka uye kurambana kucharangarirwa sokusiri madikanwa.” “Hurumende ichava yava nyore zvikuru, sezvo kukura kukuru kuchiwedzera kuva nyore.”
Nenzira yakafanana, muna 1967 rimwe bhuku rine musoro unoti The Year 2000 rakafanotaura kuti: “Panosvika gore ra2000, makombiyuta sezvingabvira anenge ava kuenzana, kutevedzera, kana kuti kupfuura mano mazhinjisa ‘avanhu,’ kubatanidza zvichida mano avo okuita zvinhu.” “Pfungwa yemarobhoti anoita mari iri pakati nepakati achiita basa rose rapamusha . . . inoratidzika kuva ine mufungo zvikuru panosvika gore ra2000.”
Kukundikana kworudzi rwomunhu kusanoona zviitiko zvenguva yemberi kunosiyana zvakasimba nemano aMwari. Somuenzaniso, enzanisa zvakafanotaurwa zvadudzwa nezvakafanotaurwa neBhaibheri anenge mazana amakore 20 apfuura pamusoro pezuva redu: “Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuura Mwari; vane mufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako.”—2 Timotio 3:1-5.
Uhu uporofita hweBhaibheri hune chokuita ne“mazuva okupedzisira” ndehumwe hwehwakawanda hwakazadzika muzuva redu. Shoko raMwari rakafanotaura kuti “chiratidzo” chokuvapo kwaJesu chaizobatanidza hondo yenyika, kuperevedza kwezvokudya, nhenda, kudengenyeka kwapasi, uye basa romunyika yose rokuparidzwa kwamashoko akanaka oUmambo hwaMwari.—Mateo 24:3-14; Ruka 21:11.
Kururama kusingakundikani kwezvipikirwa zvaMwari kwakasunda mumwe munyori weBhaibheri kuti azivise mazana amakore apfuura kuti: “Hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakataurwa pamusoro penyu naJehovha Mwari wenyu chakakona.”—Joshua 23:14.
Hungu, tinogona kuva nechokwadi chokuti zvipikirwa zvaMwari zvose zvichakurumidza kuitika. Umambo hwaMwari huchagumisa kurwara, utsotsi, kupindwa muropa nemirimo, nzara, uye hondo—pasi rose richava paradhiso. (Pisarema 37:10, 11, 29; Zvakazarurwa 21:3, 4) Unogona kuvimba nekuzadzika kwouhu uporofita! Hunobva kuMusiki wedu, “usingatongorevi nhema.”—Tito 1:2; enzanisa naVaHebheru 6:13-19.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Cleveland State University Archive