Mwenje Wekukutungamirira Munzira Yeupenyu
“HAIWA, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Nemashoko aya muporofita Jeremia akaratidza kuti vanhu havagoni kufamba nokubudirira munzira yeupenyu vasingabetserwi. Kubetserwa kwakadaro kunogona kuwanwa kupi? Wezvemapisarema anopindura mumunyengetero wake kuna Jehovha Mwari: “Shoko renyu ndiwo mwenje wetsoka dzangu, nechiedza panzira yangu.”—Pisarema 119:105.
Avo vanofunda Shoko raMwari, Bhaibheri Dzvene, uye vanoshandisa zvarinotaura vachafanana nemunhu anotanga rwendo mangwanani-ngwanani. Pakutanga, haagoni kuona zvakanaka nokuti kwakasviba. Asi sezvo zuva rinotanga kukwira, anoona zvakawanda zvikuru. Pakupedzisira, zuva rinopenya zvakananga pamusoro. Anoona zvinhu zvose muudzame hwakajeka. Muenzaniso wakadaro unoyeuchidza chirevo cheBhaibheri chinoti: “Gwara ravakarurama rakaita sechiedza chamambakwedza, chinoramba chichiwedzera kubwinya kusvikira pamasikati makuru.”—Zvirevo 4:18.
Zvakadini neavo vanoramba nhungamiro yaMwari? Bhaibheri rinoti: “Nzira yavakaipa yakaita serima; havazivi chingavagumbusa.” (Zvirevo 4:19) Hungu, vakaipa vakafanana nemunhu anogumburwa murima. Kunyange kunoratidzika sekubudirira kwavo chaizvoizvo ndekwechinguvana, nokuti “hakuna uchenjeri, kana njere, hakuna mano angakunda Jehovha.”—Zvirevo 21:30.
Naizvozvo, tevera nhungamiro yeShoko raMwari, Bhaibheri. Kana ukadaro, uchawana mashoko aZvirevo 3:5, 6 kuva echokwadi: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”