RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 8/15 p. 32
  • Vakaramba Vakashinga Pavaitambudzwa nevaNazi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakaramba Vakashinga Pavaitambudzwa nevaNazi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 8/15 p. 32

Vakaramba Vakashinga Pavaitambudzwa nevaNazi

KUPERERA kwokusatya kweZvapupu zvaJehovha muGermany yeNazi kunosiyana zvakajeka nezvakaitwa nemachechi echiKristudhomu. Izvozvi zvinotaurwa napurofesa wenhau yezvakaitika kare John Weiss mubhuku rake rinonzi Ideology of Death. Anonyora kuti:

“Muna 1934 chechi yeEvangelical yakasimbirira kuti vaNazi vaifanira ku‘gamuchirwa navaLutheran,’ ndokutenda ‘Ishe Mwari’ nokuda kwokupa vanhu veGermany ‘mutongi mutsvene uye anovimbika.’ . . . Mumwe bhishopu wePurotesitendi akanyorera vafundisi vake kuti, ‘[Hitler] akatumirwa kwatiri naMwari.’” Weiss anopfuurira kuti: “Chechi yeMethodist yeGermany . . . yakabvumirana naBhishopu Dibelius kuti Hitler akanga aponesa Germany pakumukira kwaiva pedyo kwevaBolshevik, achiunza rugare norunyararo . . . Chechi yeMormon yakanyevera mitezo yayo kuti kushora Hitler kwaiva kuputsa mutemo weMormon.” Uye anowedzera kuti: “VaKaturike vakaudzwa kuti raiva basa rinoyera kuteerera hurumende itsva, basa risina kumboregwa kunyange pashure pokunge zvakaipa zvakaitika kumabvazuva zvazivikanwa navafundisi.”

Asi zvakadini neZvapupu zvaJehovha? Purofesa Weiss anotaura kuti “seboka, Zvapupu zvaJehovha ndizvo bedzi zvakaramba vaNazi.” Zviuru zvakaiswa mumajeri, anopfuurira kudaro Purofesa Weiss, “bva Chapupu chiri chose chakaendeswa kumusasa wavasungwa chaigona kunge chakasunungurwa kupfurikidza nokungosaina bedzi tsamba yokuramba kutenda kwacho.”

Pamusoro pokuperera kweZvapupu zvaJehovha, Purofesa Weiss anotsinhira kuti: “Muenzaniso wavo unoratidzira kushinga kwakatanhamara uye kukwanisa kutendeutsa vamwe kwaiva nechiKristu chapakuvamba chisati chava sangano uye kuzvipira kunzanga kusati kwakunda chishuvo chokurarama upenyu hwokusatora rutivi pane zvisina kufanira. Seizvo mumwe mufundisi wePurotesitendi akanyora pamusoro pavo, ‘Haasi machechi makuru, asi ava vanhu vanocherwa nokushorwa ndivo vakakwanisa kushinga pakutsamwa kwedhimoni rechiNazi, uye vakatsunga kushora maererano nokutenda kwavo.’”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe