“Chokwadi Chinokosha Semabwe Anodhura”
“Chokwadi chinokosha semabwe anodhura.” Ndiyo nzira iyo tsamba yakanyorerwa kubazu rokuNigeria reZvapupu zvaJehovha inorondedzera nayo magazini maviri chaiwo. Munyori wacho, rimwe jaya, anotsanangura kuti:
“Ndiri kunyora kuti nditaure kuonga kwangu kwapachokwadi nhamburiko dzenyu mukusvika anoda kuva mativi ose oupenyu hwezuva nezuva kupfurikidza nemagazini eNharireyomurindi neMukai!
“Ndine makore 17 okukura. Gore rapera nhepfenyuro yeredhiyo yakaronga makundano erondedzero yaiva nomusoro unoti ‘Pane Zvakawanda zvoRudo Kupfuura Vatano—AIDS Iriko.’ Rondedzero imwe neimwe yakanga ichifanira kuva nemashoko asiri pasi pamazana mana. Mubayiro we1 000 naira [ZIM $137.50] wakanga uchizopiwa nokuda kwerondedzero yakanakisisa. Chokwadika, vakataura kuti, vanhu vanofanira kunyora kwete chete kuti vahwine mubayiro asi, panzvimbo pezvo, kuti vadzidze chimwe chinhu. . . .
“Ndakawana mashoko pamusoro peAIDS mumagazini ose ari maviri. Pamusoro porudo, pakanga pane nhamba huru yenyaya. Ndakashandisa mifungo yomuMukai! yaAugust 8, 1978.
“Isingasviki mwedzi miviri pashure pokutumira rondedzero yangu, zvatakaita zvakabudiswa. Ndakashamiswa kuti ndakava wokutanga muruwa rweCross River neAkwa Ibom!
“Mashoko ose andakashandisa akabva mumagazini acho. Zvinoshamisa chaizvo kuti Jehovha anotigovera mashoko akakodzera nguva munyika ino inokatambudzika uye isina tsika. SavaKristu vechokwadi, tinoziva kuti kune zvakawanda, zvakawanda zvikuru murudo kupfuura vatano. Uye, chokwadika, kurarama upenyu hwakachena, hune tsika kunotidzivirira pazvirwere zvakadai seAIDS.
“Handimbogoni kurega kukutendai nokuda kweichi chokwadi chinokosha semabwe anodhura chamusinganeti kubudisa. Jehovha ngaapfuurire kukomborera nhamburiko dzenyu sezvamunoramba muchigovera aya magazini anokosha.”