RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 7/15 p. 3
  • Unorangarira Sei Chivi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unorangarira Sei Chivi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Apo Chivi Chinenge Chisisikozve
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Maonerwo Aiitwa Chivi Achinja Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Unorangarira Sei Chivi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Nyika Isina Chivi—Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 7/15 p. 3

Unorangarira Sei Chivi?

“HAUNA chivi, hauna nhamo; uri dura remasimba ose.” Muzivi wechiHindu akakurumbira Vivekananda akataura izvozvi paaitsanangura chimwe chikamu chemashoko chiri mubhuku dzvene rechiHindu, Bhagavad Gita. Achinokora mashoko eVedanta, anoti: “Mhosho hurusa ndeyokutaura kuti une utera, kuti uri mutadzi.”a

Zvisinei, ichokwadi here kuti munhu haana chivi? Kana chiripo, munhu anogara nhaka chii pakuberekwa? “Mavara omuviri ndiwo bedzi anosarudzwa nekugarwa nhaka pakuberekwa,” anodaro Nikhilananda, mumwe mudzidzisi wechiHindu. Mamwe mavara anosarudzwa ne“zviito [zvomunhu] muupenyu hwakapfuura.” Maererano naVivekananda, “ndiwe unokonzera zvichave zvakaita nguva yako yemberi.” ChiHindu hachidzidzisi chinhu pamusoro pechivi chakagarwa nhaka.

VaZoroaster, vaShinto, vaConfucian, uye vaBuddha havanawo murangariro wechivi chakagarwa nhaka. Kunyange mumarudzidziso anosanganisa chiJudha nechiKristu, ayo kubvira kare ave achidzidzisa dzidziso yechivi chakagarwa nhaka, murangariro wevanhu pamusoro pechivi uri kuchinja. Vanhu vakawanda kwazvo nhasi havazvirangariri sevanotadza.

“Kuziva kwazvino uno hakukurudziri kuzvidza tsika; zvikurukuru, hakukurudziri kuzvidza kwomunhu oga,” inodaro nyanzvi yezverudzidziso Cornelius Plantinga, Jr. Machechi echiKristudhomu anogoverana rudzi rwakati rwemhaka yokurerutsa chivi. “Usaende kuchechi kana uchida kunzwa nezvechivi,” anodaro mumwe mufundisi wepaDuke University. Uye maererano naPlantinga, mamwe machechi anowanzotaura nezvechivi bedzi kana achitaura nhau dzenzanga.

Sezvinobvumwa, mazuva ano nhamo dzemunzanga dzawanda. Masimba masimba, utsotsi, hondo, kurwisana kwemadzinza, kushandiswa zvisina kunaka kwezvinodhaka, kusatendeseka, kudzvinyirirwa, uye kuitira vana masimba masimba zvakapararira. Kutaura idi, zana ramakore rechi20 rakanzi ndiro rakadeura ropa rakawanda iro rudzi rwomunhu rwati rwamboziva. Kubva pane izvozvi wedzera marwadzo nokutambura zvinobva mukurwara, kukwegura, uye rufu. Ndiani asingashuvi kusununguka pazvinetso zvikuru zviri munyika nhasi?

Zvino, unorangarira sei chivi? Chivi chinogarwa nhaka here? Tichazombosununguka pakurwadziwa nokutambura here? Nyaya inotevera ichakurukura mibvunzo iyoyi.

[Mashoko Omuzasi]

a Uzivi hweVedanta hwakavakirwa paUpanishads, iyo inowanika pakupera kwemagwaro echiHindu, Vedas.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe