RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 7/1 p. 32
  • Apo Zvapupu zvaJehovha Zvinoshanya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Apo Zvapupu zvaJehovha Zvinoshanya
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 7/1 p. 32

Apo Zvapupu zvaJehovha Zvinoshanya

VaKaturike vanofanira kuitei apo mumwe weZvapupu zvaJehovha anoshanyira musha wavo? Chimwe chinyorwa chenguva pfupi yapfuura chakagadzirwa neNational Catechistic Bureau of the Italian Bishops’ Conference chinoti: “Kuramba kurukurirano, nenzira yomutsa asi kunyange zvakadaro zvakasimba, muchiitiko chino hakusi kusava nomutsa.”

Havasi vaKaturike vose vanobvumirana, sezvinoratidzwa netsamba yakatumirwa kuGazzetta del Mezzogiorno rezuva nezuva nomumwe murume anogara muFoggia, Italy:

“Handisi mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndiri muKaturike. Asi ndinoshamisika nemitemo yakati iyo chechi inogadza pamitezo yakatendeka, ichivaudza kuisa zviziviso pamasuo avo zvokudzinga Zvapupu zvaJehovha. Vanhu ava, pashure pezvose, vari kungoparidza Shoko raMwari, uye vanobetsera vamwe kuva nezivo huru yeBhaibheri. Ndinoyeuchidzwa nezvenguva apo Italy yakarohwa necholera uye takapiwa zano pamusoro penzira yokudzivisa nayo kutapurwa.

“Mukurangarira kwangu, izvozvi zvinoratidza kuti chechi inoita mitemo yayo pasina kurangarira zvishuvo zvemitezo yakatendeka. Asi kwamakore akati zvino, ndakaona kuti kunyange vaKaturike vari kuenda paimba neimba, vachishanyira misha yeZvapupu zvaJehovhawo; uye zvinovarega vachipinda, zvinotaura navo, pasina kuramba munhu upi noupi.”

Zvapupu zvaJehovha hazvimanikidzi vanhu kugamuchira shoko razvo. Panzvimbo pezvo, zvinovavarira kugoverana navamwe tariro inowanwa muShoko raMwari yokuti izvo zvakawanwa kuva zvinozorodza munguva dzino dzinotambudza. Kupfurikidza nokuenda paimba neimba, pamwe chete nokutaura nevazvinosangana navo mumugwagwa, Zvapupu zvaJehovha zvinogoverana mashoko akanaka oUmambo hwaMwari naavo vanoda kuteerera.—Mateo 24:14; Mabasa 5:42; 17:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe