Kurapa Kunoshamisa Kuchiri Kuitika Here?
“GAMUCHIRA Jesu ugorapwa!” Kutaura kwakadai souku kwakaita kuti Alexandre, mutezo wechechi yeEvangelical, adavire kuti kushandisa mushonga wechirwere chake kungaratidzira kushayikwa kwokutenda. Akapwiswa kuti kutenda kwake kwoga kwaizomuporesa nenzira inoshamisa yaaida. Benedita, muKaturike anoshingaira, akanyandurwa zvikuru paakanzwa nezvezvishamiso zvokurapa munzvimbo tsvene yeAparecida do Norte, muruwa rweSão Paulo, Brazil. Achishandisa mashoko aakanga adzidziswa namaiguru vake, Benedita akanyengetera kuna Mai Vedu veAparecida, Anthony, uye kuvamwe “vasande” kuti vamupe simba rokuporesa vanorwara.
Sezviri pachena, kunyange pakunopera kwezana ramakore rechi20, vanhu vakawanda vachiri kudavira kuporesa kunoshamisa—asi nei? Sezvingabvira, vamwe vanokangaidzika apo vanachiremba vanokundikana kuita zvakawanda kuti vanyevenutse chirwere, marwadzo, uye kutambura kwavadiwa vavo, zvikurukuru vana vavo. Avo vanotambudzwa nourwere hwakakomba vangarangarira kuti nemhaka yendyiko huru yemishonga yazvino uno, havarasikirwi nechinhu mukutsvaka kurapa nokutenda. Vamwe vanoona paTV machechi akasiyana-siyana navanhu vachigovera mishonga yeAIDS, kuora mwoyo, kenza, kupenga, BP, uye dzimwe hosha dzakawanda. Vangava nekutenda kupi nokupi mukutaura kwakadaro kana kuti kwete, vangatendeukira ikoko sechisarudzo chokupedzisira. Vamwewo vanodavira kuti kurwara kwavo kunoparirwa nemidzimu yakaipa vangarangarira kuti mishonga yokutenda haina simba rokuvabetsera.
Pane rumwe rutivi, pane avo vanoshora zvakasimba, kunyange kutsoropodza, pfungwa yokurapa zvinoshamisa kupfurikidza na“vasande” vakafa kana kuti varapi vapenyu. Maererano neJornal da Tarde, nyanzvi yekudzivirira zvirwere Dráusio Varella anorangarira kuti rudaviro rwacho “rwunokanganisa kutenda kwavasina kungwarira nevakapererwa nezano.” Anowedzera kuti: “Vaine tariro yezvishamiso, vakawanda vangarega mishonga inokosha nemhaka yeava vanyengedzi.” Uye The New Encyclopædia Britannica inotsanangura kuti: “Kuporesa kusiri kwokutenda munguva yakapfuura kwakabatanidzwa nenzvimbo dzinoyera nemiitiro yorudzidziso, uye sayenzi yezvokurapa inopa mbiri kurapa kwose kwakadaro kumuitiro wenguva dzose wokupesvedzera kushanda mumamiriro ezvinhu anofadza.” Zvisinei, pane vakawanda vanodavira kuti vakarapwa chaizvoizvo nechishamiso. Kwavari, kuporesa kwacho kwakashanda!
Vaya vakarovedzana neBhaibheri vanoziva kuti Jesu Kristu akaporesa vairwara panhambo dzakawanda, achizviita ne“simba raMwari.” (Ruka 9:42, 43) Nokudaro vangashamisika kuti, ‘Simba raMwari richiri kushanda uye kuparira kurapa kunoshamisa nhasi here?’ Kana zvakadaro, nei kuedza kurapa kuchikundikana kuunza migumisiro inovimbiswa? Imhaka here yokuti murwere wacho haana kutenda kwakakwana kana kuti nemhaka yomupiro wake usina kukura zvakakwana? Zvakanaka here kuti muKristu atsvake kurapa kunoshamisa apo anenge achitambura nechirwere chinorwadza kana kuti zvichida chisingarapiki? Uye kurapa kunoshamisa kusingakundikani kworudzi rwakaitwa naJesu kuchaitwa zvakare here? Unogona kuwana mhinduro dzemibvunzo iyi inokosha munyaya inotevera.