RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 6/15 p. 3
  • Bhaibheri—Bhuku Rakatanhamara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri—Bhuku Rakatanhamara
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiani Akanyora Bhaibheri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Mwari Anotizivisa Pamusoro Pamadonzo Ake
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Bhaibheri ‘Rakafuridzirwa naMwari’ Here?
    Mukai!—2017
  • “Vaitungamirirwa Nomudzimu Mutsvene”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 6/15 p. 3

Bhaibheri—Bhuku Rakatanhamara

Rakanzi ibhuku rinotengeswa zvikuru kupfuura mamwe ese munyika, uye ndizvo zvariri. Bhaibheri rinoverengwa nekukosheswa kupfuura rimwe bhuku ripi neripi. Kusvikira panguva ino, rinofungidzirwa kuti rakaparadzirwa (rose kana kuti chidimbu charo) mumakopi mabhiriyoni mana mumitauro inopfuura 2 000.

Zvisinei, chinotofadza zvikuru kupfuura kuparadzirwa kweBhaibheri, kutaura kwaro kwekuti rakanyorwa naMwari. “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari,” akanyora kudaro muapostora wechiKristu Pauro. (2 Timotio 3:16) Izvozvi zvinorevei? Kutaura kwekuti “rwakafuridzirwa naMwari” (chiGiriki, the·oʹpneu·stos) kunoreva kuti “rwakafemerwa naMwari.” Rimwe shoko rakafanana rechiGiriki, pneuʹma, rinoreva kuti “mudzimu.” Nokudaro, chokwadi ndechekuti mudzimu mutsvene waMwari wakasunda vanhu vainyora, uchiita sekunge waivafemera, zvokuti mugumisiro wacho waigona zvechokwadi kunzi Shoko raMwari, kwete remunhu. Chokwadi, vazhinji vakafunda Bhaibheri vanoshamiswa nekutsinhirana kwaro kwose, kururama kwaro mune zvesayenzi, kutendeseka nekunanga kwaiita vanyori varo, uye chinokosha zvikurusa, uporofita hwaro hwakazadzikwa—zvose zvakapwisa mamiriyoni evaverengi vanofunga kuti bhuku iri rinobva kumanyuko akakwirira kupfuura munhu.a

Asi Mwari akanyatsotungamirira sei kunyorwa kweBhaibheri? Vamwe vanotaura kuti akaita zvekutaura mashoko ose ari muBhaibheri. Vamwe vanotaura kuti akangofuridzira chete pfungwa dzinowanwa muBhaibheri, kwete mashoko acho. Kutaura chokwadi, zvisinei, kufuridzira hakugoni kuva muitiro mumwe chete, nokuti Mwari akataura “kuna madzibaba muvaporofita nemigove mizhinji, uye nemitoo mizhinji.” (VaHebheru 1:1; enzanisa na1 VaKorinte 12:6.) Munyaya inotevera, tichanzvera nzira dzakashandiswa naMwari kutaura nevanhu 40 avo vakanyora Bhaibheri.

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwemamwe mashoko, ona mapeji 53-4, uye 98-161 ebhuku raBhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe