Tichazombobvisirwa Zviono Zvakaita Seizvi Here?
KUPI kana kupi kwatinoenda mazuva ano, tinoona zviono zvenyanduko, kurwa, uye hondo. Asi harisi donzo remagazini ino kuwedzera kumashoko ose akashata ayo unotoziva. Panzvimbo pezvo, ichi chinyorwa chaicho chichakupa zvokwadi dzinenge mbiri dzinonyaradza. Yekutanga, kuti uporofita hwakare huri muBhaibheri chaizvoizvo hwakafanotaura akawanda emashoko akashata anokatyamadza ezera redu; yechipiri, kuti bhuku rimwe cheteri reuporofita rinofanotaura zuva apo zviono zvakadai seicho chakapikichwa pano zvichava zvemunguva yakapfuura. Hakusisinazve hondo. Hakusisinazve kubhomba, vapfuri, zvimbambaira, kana kuti ugandanga. Hakusisinazve nherera dzine nhamo kana kuti vapoteri vasina musha. Nyika yerugare rwepachokwadi, rwunonyaradza mwoyo. Ungada kuona nguva yakadaro here? Tinokukurudzira kurangarira icho Bhaibheri rinotaura. Ungawana nyaradzo huru imomo kupfuura yawakambofunga kuva inobvira.