Roorano Yamakore 403 Ine Chinetso
MUSWEDEN, Chechi neHurumende zvakafarikanya ukama hwapedyo kwemakore anopfuura 400. Zvino roorano iri pakati porudzidziso nehurumende iri kuderera.
ChiLutheran chakagadzwa serudzidziso rweHurumende muna 1593, uye vaSwede vose vaifanira kuva mitezo yakabhabhatidzwa. Makore gare gare, mukati mema1850, gadziridzo yakaitwa. Kwakanga kusati kuchiri madikanwa kuti vaSwede vabhabhatidzwe; kunyange zvakadaro, vakanga vachiri kurangarirwa semitezo yeChechi yeLutheran. Savakadaro, vaidikanirwa kubhadhara 1 muzana yemari yavo yavaiwana pagore negore yaitererwa kuti vatsigire chechi uye kubhadhara mamwe mabasa ehurumende aiitwa nechechi. Nguva pfupi yapfuura zvikuru imwe chinjo yakaitika. Kuvambira muna 1952, vaSwede vaigona kubuda muchechi nenzira yapamutemo uye nenzira iyoyo vaigona kusunungurwa pakubhadhara rutivi rukuru rwemutero wechechi.
Mumakore mashomanene apfuura Chechi yeLutheran yakapfuura kurasikirwa noudzori hwayo muSweden. Izvozvo zvaisadzivisika, sezvo 10 muzana yevagari veSweden ndivakabva kunze kwenyika vasiri vaLutheran, kubatanidza vaJudha, vaKaturike, uye vaMuslim. Nokudaro, pakuvamba kwa1996, 86 muzana bedzi yevaSwede yaiva Chechi yeLutheran, uye nhamba yacho inopfuura kuderera.
Kusakendenga kunowedzera kuri kukudza muganhu uri pakati peChechi neHurumende. Nechekare, kwakaziviswa kuti mambo haadikanirwi kuva muLutheran, uye vana vanoberekwa nomubereki weLutheran havangoerekani varangarirwa semitezo yeHurumende yeChechi yeLutheran. Kupfuurirazve, maererano neThe Dallas Morning News, panosvika gore ra2000, “maruwa evafundisi omunzvimbomo nehurumende zvinofanira kuwana ukoshi hwezvinhu zvizhinji ndokuzvikamura. Chechi inofanira kuderedza bhajeti yayo yegore negore yemabhiriyoni $168, zhinjisa yacho inowanwa kupfurikidza nemitero.” Pashure pekupera kwezana ramakore, chechi ichagadza mabhishopu ayo imene.
Nepo kusakendenga nekuva mitezo kunoderera kunotambudza chiKristudhomu, Zvapupu zvaJehovha muSweden zvinopfuurira kuwedzera. 1997 Yearbook of Jehovah’s Witnesses inoshuma kuti mune vaparidzi veUmambo hwaMwari 24 487 munyika iyoyo, uye vanodokusvika 10 muzana vari kuparidza savashumiri mapiyona enguva dzose. Vazhinji vaivava vari kusvasvavirira ropafadzo huru zvikuru dzebasa. Somuenzaniso, mukati mekokorodzano dzoruwa dza1995 dzeZvapupu zvaJehovha, varoorani 20 vakapa kumbiriso dzerovedzo youfundisi paWatchtower Bible School of Gilead. Panguva iyoyo, kwakanga kune vakapedza kufunda vanenge 75 vechiSwedish vemakirasi emunguva yakapfuura avo vakanga vachibatira mubasa roufundisi mumativi akasiyana-siyana enyika. Pasina mubvunzo, muenzaniso wavo wakaisvonaka netsamba dzinokurudzira neshanyo zvine tapuro inonyandura pane avo vari kurangarira zvino iyi ropafadzo yakaisvonaka.
Nokudaro, sezvo mamiriyoni echiKristudhomu ari kutambura kuodzwa mwoyo, Zvapupu zvaJehovha “[zvino]imba nokufara kwomwoyo.”—Isaya 65:13, 14.
[Mepu iri papeji 30]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Sweden