RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 3/15 p. 3
  • Kutenda Muna Mwari—Kunoda Chishamiso Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutenda Muna Mwari—Kunoda Chishamiso Here?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Nei Zvishamiso Zvoga Zvisingavaki Kutenda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Zvishamiso—Ndezvechokwadi Here Kana Kuti Ingano?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Akashandura Pfungwa Dzake
    Famba naMwari Neushingi
  • Sei Zvichikosha Kuziva Kana Zvishamiso Zvichiitika?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 3/15 p. 3

Kutenda Muna Mwari—Kunoda Chishamiso Here?

ALBERT akanga ari mumakore ake omukuvamba kwama20 apo akavamba kutsvaka Mwari. Akaedza marudzidziso anoverengeka asi akaramba asina kugutswa. Achirava mativi eBhaibheri, akaziva mabatire akaita Mwari navanhu vakadai saNoa, Abrahama, Sara, uye Mosesi. Albert akazviwana amene akweverwa kuna Mwari weBhaibheri. Zvisinei, aigona here kuva nechokwadi chokuti Mwari ariko chaizvoizvo?

Mamwe manheru Albert akatyaira achienda kunzvimbo iri yoga uko akanyengetera kuti, “Ndapota Mwari, ndipei chiratidzo—chinhu chipi nechipi chokubvumikisa kuti muriko.” Albert akamirira ndokumirira. Anoyeuka kuti apo pasina chakaitika, kariro yake “yakava kuora mwoyo, kusava namaturo, kushatirwa.”

Kufanana naAlbert, vazhinji vanorangarira kuti vakatsvaka Mwari pasina. Vangava vachivhiringidzwa nemharidzo dzevafundisi kana kuti vakaodzwa mwoyo neutengesi hwevanoparidza evhangeri muterevhizheni. Vavhiringidzwa nounyengeri hunooneka pakati pevazhinji vevavakidzani vavo, vamwe havana chokwadi kuti vodavirei. Bva, Mambo Dhavhidhi waIsraeri wakare akavimbisa mwanakomana wake Soromoni kuti: “Kana ukamutsvaka [Mwari], iye uchawanikwa newe.”—1 Makoronike 28:9.

Eya, ipapo, Mwari anozvizivisa amene sei? Unofanira kukarira chiratidzo—chiitiko chakati chinopfuura chomusikirwo chichabvumikisa kwauri kuti Mwari aripo here? Maererano neimwe nzvero yenguva pfupi yapfuura yakashumwa mumagazini yeTime, zvikamu zvinopfuura zviviri muzvitatu zvevagari veAmerica zvinodavira zvishamiso. Nyaya yacho yakataurawo kuti “chechi dziri kukura nokukurumidza zvikurusa muAmerica ichechi dzeCharisma nePentecost dzine kunamata kunobatanidza ‘zviratidzo nezvishamiso.’”

Chaizvoizvo kunoda “zviratidzo nezvishamiso” kudavira muna Mwari here? Akashandisa zvishamiso munguva dzakapfuura. Kuenzanisira: Sauro weTarso, uyo akanga achitambudza vateveri veMwanakomana waMwari, Jesu Kristu, akava nechiitiko chechienzi mumugwagwa waibva Jerusarema uchienda Damasko. Uku kusangana kunoshamisa naJesu akamutswa kwakatungamirira kukutendeuka kwaSauro. (Mabasa 9:1-22) Nokudaro aichimbova mutambudzi akava muapostora Pauro—mumwe wevatsigiri vakurusa vechiKristu!

Asi zvishamiso nguva dzose zvinonyandura kuita kwakadaro kwakanaka here? Kutenda kwapachokwadi muna Mwari kunotsamira pakuva kwemunhu nechiitiko chakati chinoshamisa here?

[Mufananidzo uri papeji 3]

Mwanakomana waMwari akataura naSauro weTarso nenzira inoshamisa. Unofanira kukarira chishamiso here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe