RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 2/1 p. 8
  • Kusvika Marudzi Ose Nechokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusvika Marudzi Ose Nechokwadi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Kuda Kufanana Nevamwe—Kune Simba Zvechokwadi Here?
    Mukai!—2002
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Ungaitei Kuti Usafurirwa Neshamwari?
    Mukai!—2014
  • Ndingarega Sei Kuda Kufanana Nevamwe?
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 2/1 p. 8

Vazivisi voUmambo Vanoshuma

Kusvika Marudzi Ose Nechokwadi

MUAPOSTORA Pauro akanga ari muzivisi anoshingaira weUmambo hwaMwari. Haana kubvumira chishoro kudzongonyedza basa rake rokuparidza “Evhangeri.” (1 VaKorinte 9:16; Mabasa 13:50-52) Pauro akakurudzira vamwe kutevera muenzaniso wake.—1 VaKorinte 11:1.

Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa munyika yose nokuda kwenhamburiko dzazvo dzokutsunga kuparidza. Zvirokwazvo, zvinotaura kuvamwe mudzose dziri mbiri mu“nguva yakafanira” uye mu“isakafanira” kuti zviite basa razvo rakarayirwa naMwari roku‘ita vadzidzi.’ (2 Timotio 4:2; Mateo 28:19, 20) Kunyange munyika mazvinowana chishoro, vane mwoyo wakatendeseka vari kusvikwa neshoko rinokosha zvikurusa pamusoro peUmambo hwaMwari, seizvo zvakaitika zvinotevera zvinoratidzira.

◻ Pachimwe chitsuwa chiri kumadokero kwePacific apo basa reZvapupu zvaJehovha rakarambidzwa, mumwe mukomana ane makore 12 okukura akazviwana amene akomberedzwa nevasonganiri vakashata pachikoro. Vakawanda vemukirasi biyake vaisvuta midzanga nguva dzose, vairava mabhuku evatano, vainetsa vadzidzisi, uye vairwa. Mamiriro ezvinhu akava akashata kwazvo zvokuti mukomana wacho akakumbira baba vake kana aigona kuchinjira kune chimwe chikoro. Baba vacho, zvisinei, vakarangarira nemwanakomana wavo mukupesana nepfungwa yakadaro, sezvo vakafunga kuti mufambiro wevadzidzi muzvimwe zvikoro zvepedyo waizova usina kusiyana. Bva, vaizobetsera sei mwanakomana wavo?

Baba vacho vakayeuka kuti vakanga vane bhuku revanhu vaduku mumba. Rakanga riri chipo chakabva kuhama yokunyama iyo yakanga iri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Naizvozvo vakatsvaka bhuku racho, uye pakuriwana, vakaripa mwanakomana wavo. Rakanga rine musoro unoti Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda.a Mukomana wacho akawana ganhuro rinoti “Ndinogona Sei Kugonana Nedzvinyiriro Yevezera Rangu?” kuva rinobetsera zvikuru. Harina bedzi kumudzidzisa ukoshi hwokuchengeta kuzviremekedza asi rakamudzidzisawo kuramba nenzira yokungwarira pakutaura apo vamwe vaiedza kumumanikidza kutevera nzira isiri yokuchenjera. Kupfurikidza nokushandisa nheyo dzeMagwaro dzinowanwa mubhuku racho, murume muduku wacho akadzidza kubata nokubudirira nedzvinyiriro yevaenzani.

Vachicherekedza idzi nedzimwe chinjo dzechokwadi mumwanakomana wavo, baba vacho vakasarudza kurava bhuku racho. Vaororwa nezano rinoshanda rinowanwa mubhuku racho, baba vacho vakakumbira Zvapupu zvaJehovha fundo yeBhaibheri yepamusha. Gare gare, mimwe mitezo yemhuri yavo yakavakumbanira mufundo yacho. Mugumisiro wacho? Mukomana wacho, munin’ina wake, baba vake, uye vaviri vevanasekuru vemukomana wacho zvino vava Zvapupu zvaJehovha.

◻ Munyika imwe cheteyo, vaviri veZvapupu zvaJehovha vakapinzwa mutorongo nemhaka yekusanoteerera kwavo nheyo dzeBhaibheri. Zvisinei, havana kubvumira mamiriro ezvinhu achivadzivisa kutaura noushingi pamusoro peUmambo hwaMwari. Vakasvika mukuru mukuru wetorongo uye vakagamuchira mvumo yekuchengeta Chirairo chaShe imomo. Vakafara sei apo vasungwa 14 vakaratidza fariro muBhaibheri ndokukumbanira Zvapupu zvacho nokuda kweichi chiitiko chinokosha! Pashure pekusunungurwa kwavo, vamwe vavo vakapfuurira kufunda Bhaibheri uye kusonganira neZvapupu zvaJehovha.

Munyika dzinopfuura 25, Zvapupu zvaJehovha zvinotambura semugumisiro wezvirambidzo kana kuti zvimiro zvakasiyana-siyana zvechishoro kana kuti chitambudzo. Sevaapostora, zvisinei, zvinopfuurira “zvisingaregi kuzivisa mashoko akanaka nokuparidza pamusoro paKristu, Jesu.”—Mabasa 5:42 NW.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe