Ose Kuzivisa Kwoumwari Here?
MUDZIMU waMwari, uyo wakafuridzira Bhaibheri Dzvene, ungagona kuvawo wakaparira mamwe mabhuku ayo vamwe vanorangarira kuva matsvene here? (2 Timotio 3:16) Uyu mubvunzo wakabvunzwa nemagazini yechiItaly yeJesuit (La Civiltà Cattolica), yakabudiswa “mutarisiro ye[Vatican] Secretariat of State” uye nokudaro wakarangarirwa sounechiremera munzvimbo dzechiKaturike.
“Mwari, kupfurikidza nechiito choMudzimu Mutsvene, akaparadzira mbeu yeShoko kunyange mumamwe mabhuku matsvene egamuchidzanwa risiri rechiJudha uye risiri rechiKristu,” yakadaro magazini yeJesuit. Nokuda kwavaJesuit, mabhuku “matsvene,” akadai seZoroastrian Avesta kana kuti Confucian Four Books, akanyorwa “kwete pasina pesvedzero yakati yoMudzimu Mutsvene, uye naizvozvo, mumwero wakati ane ‘kuzivisa kwoumwari.’”
Zvisinei, nyaya yacho inojekesa. “Hazvisati zviri zvose zviri mumabhuku matsvene akadaro zviri shoko raMwari,” inodaro, ichiwedzera kuti avo vakanyora aya mabhuku vangava vaka“va nepesvedzero yemhoteredzo yainamata vamwari vakawanda kana kuti mhoteredzo youzivi” umo vaigara uye vaishanda. Maererano naMarco Politi, munyori wenhau dzeVatican wepepanhau reItaly La Repubblica, chitendero ichi “chinozarura bviro dzakanga dzisingafungiki munguva yakapfuura muukama pakati peChechi yeKaturike nemarudzidziso makuru munhau,” kudzokera kumudzimu wemisangano yomunyengetero yokutenda kwakavhengana kwakasiyana-siyana yakafanana nouyo womuAssisi muna 1986, wakatsigirwa zvakasimba naJohn Paul II.
Jehovha haasi Mwari wenyongano nevhiringidziko. (1 VaKorinte 14:33) Naizvozvo hatigoni kugumisa nenzira yakarurama kuti mudzimu mutsvene wake, kana kuti simba rinobata basa, ringafuridzira kunyange chikamu chemabhuku api naapi asingatsinhirani zvakazara neShoko rake, Bhaibheri. Panzvimbo pokukurudzira mitoo yomunyika yose pakati pe“magamuchidzanwa orudzidziso” akasiyana-siyana, muapostora wechiKristu Pauro akanyora kuti kune “tariro imwe . . . Ishe mumwe, nokutenda kumwe, norubhabhatidzo rumwe.”—VaEfeso 4:4, 5.
“Tariro imwe” iyoyo inotsamira pakushandisa kutenda muna Jesu Kristu. Bhaibheri rinotaura nenzira yakafanira kuti: “Hakuna kuponeswa kune mumwe; nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.” (Mabasa 4:12) Hapana rimwe “bhuku dzvene” rinoratidza Jesu somunhu mukuru mukushanda kwemadonzo aMwari. Kana bedzi tichigamuchira Bhaibheri seShoko raMwari rinogona kutidzidzisa pamusoro pegadziriro yorudo yaJehovha Mwari yoruponeso.—Johane 17:3; 1 VaTesaronika 2:13.