RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w97 1/1 p. 32
  • Ndiani Ane Mhaka Yehondo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Ane Mhaka Yehondo?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
w97 1/1 p. 32

Ndiani Ane Mhaka Yehondo?

MWARI ndiye ane mhaka here yehondo dzinorwiwa norudzi rwomunhu? “Aiwa, Mwari haadi hondo.” Iwayo ndiwo mapindurire akaita Martin Niemöller, mufundisi anosanozivikanwa weGermany wePurotesitendi, uyu mubvunzo nokukurumidza pashure pokuguma kweHondo Yenyika II. Tsinhiro dzake dzakabudiswa muna 1946 mubhuku rinonzi Ach Gott vom Himmel sieh darein—Sechs Predigten (O God, Look From Heaven—Six Sermons).a Bhuku racho rinoti:

“Ani naani anoda kupa Mwari mhaka ye[hondo] haazivi, kana kuti haadi kuziva, Shoko raMwari. Chokwadika, nhau yakasiyana kana isu vaKristu tichifanira kuva nemwero wakati wokuva nemhaka yehondo dzinopfuurira kana kuti kwete. Uye hatigoni kunzvenga uyu mubvunzo zviri nyore kwazvo. . . . Kunogonawo kuyeukwa nenzira yakarurama kuti chechi dzechiKristu, mumazera ose, dzakazvipa dzimene kukukomborera hondo, mauto, nezvombo uye kuti dzakanyengetera munzira isiri yechiKristu zvikuru nokuda kwokuparadzwa kwevavengi vadzo pahondo. Ikoku kwose imhaka yedu uye mhaka yemadzibaba edu, asi Mwari haatongopiwi mhaka. Uye isu vaKristu vanhasi tinonyadziswa pamberi perinonzi sekete rakadai seVadzidzi veBhaibheri Vepachokwadi [Zvapupu zvaJehovha], avo mumazana nezviuru vakapinda mumisasa yechibharo uye [kunyange] kufa nemhaka yokuti vakaramba basa muhondo uye vakaramba kupfura vanhu.”

Nhasi, makore 50 pashure peHondo Yenyika II, mashoko aNiemöller anogovera chokufunga kuvanhu vanoda rugare. Aiwa, Mwari haana mhaka yechishava chemarudzi! Zvirokwazvo, kupfurikidza nevanamati vake vechokwadi, vasingabatanidzwi murwisano dzenyika, Mwari ari kuzivisa mugumo uri pedyo wehondo yose.—Pisarema 46:9; Johane 17:16.

[Mashoko Omuzasi]

a Mharidzo dzaMartin Niemöller dzakabudiswa gare gare muchiNgezi mubhuku rinonzi Of Guilt and Hope. Zvisinei, shanduro yechiNgezi inosiyana nerugwaro rwapakuvamba rwechiGerman, nokudaro uku kunokora mashoko kunoshandurwa zvakananga kubva muchiGerman.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Pikicha yeUSAF

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe