“Naizvozvo Chechi Yenyu Iri Kupi?”
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA muMozambique zvinowanzobvunzwa mubvunzo iwoyu. Nenzira yakajeka, kutozosvikira kunguva pfupi yapfuura wave uri mubvunzo wakaoma kupindura. Ikoku imhaka yekuti Zvapupu zvaJehovha zvaisafarikanya kuzivikanwa kwapamutemo munyika ino kutozosvikira muna 1991. Nokudaro, kwakanga kusingabviri kuva nenzvimbo dzinozivikanwa zvakajeka nedzakavakwa dzokunamatira.
Zvisinei, mumiriro iwoyo wezvinhu wakachinja pana February 19, 1994. Pazuva iroro raipisa, rakajeka, Horo dzoUmambo mbiri dzokutanga dzati dzambovakwa muMozambique dzakatsaurirwa. Hwerengedzo ye602 yakauya kukutsaurirwa kweidzi nzvimbo dzakaisvonaka dzemisangano muguta rechiteshi chengarava reBeira, panenge pakati nepakati pemhenderekedzo yegungwa yeMozambique. Dzichabatira zvinodikanwa zveungano nhatu dziri muguta iroro.
Basa racho rose, kubvira pakuisa fandesheni kusvikira kupedza zvivako zvacho, rakatora gore nemwedzi miviri zvebasa rakaoma. Kazhinji kazhinji vazvipiri 30 kana kuti kupfuura vaibva muZimbabwe yakaganhurana vaiuya ndokushanda pamwe chete neZvapupu zvomunzvimbomo. Sezvo vasiri vose vaigona kuchengetwa mumusha wavafundisi muBeira, uyo wakabatira senzvimbo huru yekushanda, vamwe vakadzika misasa pamusha wacho wose mukati mekupera kwevhiki uye pane dzimwe nguva kwemavhiki panguva imwe.
Nzvimbo yeHoro yoUmambo yeUngano dzeMassamba neMunhava iri pamugwagwa mukuru weBeira. “Pazuva rokubatikana, apo basa raikurumidza uye fambiro mberi yaicherekedzwa zvikuru,” akadaro mumwe mufundisi, “takapotsa taona tsaona sezvo vatyairi vaipfuura nepedyo vaiyeva Horo yoUmambo, vachidokukanganwa kutarisa mugwagwa.” Vazhinji vakamira kuti vatarire basa racho, uye vakaororwa zvikuru nekuvapo kwemarudzi akasiyana-siyana achishanda pamwe chete sorumwe.
Kugadzirira kukuru zvikuru nokuronga zvaidiwa nokuda kwebasa racho. Kusafanana nemamwe mabasa mazhinji murutivi urwu rwenyika uko zvokuvakisa nemari zviri zvishoma, basa paHoro dzoUmambo harina kutongomira nokuda kwekushayikwa kwemigove. Pane imwe nhambo, masaga 800 esemende akanga achidikanwa, uye nzvimbo bedzi yaigona kuagovera yakanga isina masaga anodikanwa kuisira semende. Hama dzakataura nehofisi yebazu yeWatch Tower Society mudzimbahwe, Maputo; masaga akatumirwa nendege, akaendeswa kufekitari yesemende, uye akazadzwa. Basa rakapfuurira risina kudzongonyedzwa.
Pane imwe nhambo, apo zvokuturika zvakanga zvichiiswa, boka racho rakapererwa nesimbi. Nemhaka yekuperevedza kwakakomba, simbi dzebasa racho dzakanga dzatorwa kure namakiromita 600! Mumwe murume akanga ave akatarira akasvikwa nemumwe weboka ndokubvunzwa kana aiziva kwavaikwanisa kuwana simbi dzokupedza basa racho. Murume wacho akapindura, kuti: “Ndave ndakamira pano kweinopfuura awa, uye kunofanira kuve kwanga kusiri netsaona. Hapana chandinogona kuita kunze kwekuyemura basa ramuri kuita nekushandwa kweiri basa. Ndine simbi chaidzo dzamuri kuda, uye ungava mufaro wangu kukupai sechipo.” Yakava gadziriro yakakodzera nguva zvikurusa.
Vacherekedzi vazhinji vakashamiswa kuti ikambani ipi huru yokuvaka yakanga ichitarisira basa racho. Boka racho, chokwadika, rakafara zvikuru mukuvaudza kuti ivo vakanga vari Zvapupu zvaJehovha zvaizvipira kushanda. Chii chakaorora vacherekedzi zvikurukuru? “Muri vanhu vakabatana,” akadaro mumwe. “Kunyange zvazvo muri vemarudzi akasiyana, munoshanda pamwe chete sehama.” Mugumisiro wakanga uri wokuti vazhinji vakauya vachikumbira fundo dzeBhaibheri. Yakavawo netapuro pamisangano. Avhareji yevanopinda misangano yeUngano yeManga, somuenzaniso, inopfuura nekaviri nhamba yeZvapupu.
Horo dzoUmambo itsva zvirokwazvo dzakabvumikisa kuva chikomborero chikuru kuZvapupu zvomunzvimbomo. Vazhinji nguva yakapfuura vakanga vachisangana munzvimbo dzechinyakare dzakapfirirwa neuswa kana kuti nemarata mashomanene pamusoro, muruvanze rwekuseri, kana kuti mukamuri duku remusha wemunhu. Kazhinji kazhinji vaitota pakwainaya; zvisinei vaipinda misangano nokutendeka. Kwemakumi amakore idzodzi dzakanga dziri bedzi “Horo dzoUmambo” idzo Zvapupu zvaiva muMozambique zvaiziva. Hama Caetano Gabriel, mumwe mukuru muUngano yeMassamba, vakazivisa kuti: “Tinoonga hama dzedu kupota nyika idzo dzakabetsera kuwanwa kweichi chivako.” Chimwe Chapupu chiduku chakayeuka kuti: “Apo takanga tiri muCarico (“kamba dzokudzidziswazve” umo Zvapupu zvaJehovha zvakapfigirwa kwemakore anenge 12), taichimboti, ‘Tichapfuurira nokutendeka, uye Jehovha achatitusa.’ Horo yoUmambo itsva ituso inobva kuna Jehovha.” Mashoko avo anotaura kuonga kwavo kukuru uye kutsunga kwavo kurumbidza Jehovha.
Pwere zhinji idzo dzakagoverana mubasa rokuvaka dzakapihwa chimiro chendangariro chokupayona uye pashure pezvo dzakatanga ushumiri hweupiyona hwenguva dzose. Isabel muduku, mumwe piyona wenguva dzose muUngano yeManga, akatsinhira sezvaakatarira Horo yoUmambo yakachena zvikuru zuva rimwe isati yatsaurirwa: “Kwandiri iyi ndiyo nzvimbo yakaisvonaka zvikurusa muguta reBeira. Mufaro mukurusa kuti ndive pano.” Adão Costa, mumwe mufundisi, akatsanangura kuti zviremera zvomunzvimbomo zvakanga zvabatira pamwe zvikurusa mukubvumira kupinzwa chaiko kwezvinhu nemhaka yekuti zvakanga zvichiziva kutendeseka kweZvapupu. Ipapo akawedzera kuti: “Kunyange zvazvo takaneta zvikuru, waiva mufaro kuona migumisiro yebasa rose iri nokuda kwekukudzwa nembiri zvaJehovha.”
Zvino, nguva ipi neipi apo mugari wemo ane ushamwari weguta reBeira anobvunza kuti, “Naizvozvo chechi yenyu iri kupi?” Zvapupu zvinomutungamirira kuimwe yeHoro itsva dzoUmambo mbiri nomufaro mukuru, ndokupindura nemashoko akadai sookuti, “Iri muInternational Road, Avenida Acordo de Lusaka, pakanangana neFourth Squadron Police Station.” Ipapo, achiwedzera ruramiso imwe, “Kungoti bedzi haisi chechi. IHoro yoUmambo!”
[Mepu/Mifananidzo iri papeji 20]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
AFRICA
Mozambique
Beira
Maputo
[Kwazvakatorwa]
Mepu: Mountain High Maps® Copyright © 1995 Digital Wisdom, Inc.