RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 11/15 p. 32
  • ‘Vanofarira Kubetsera Vamwe’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Vanofarira Kubetsera Vamwe’
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 11/15 p. 32

‘Vanofarira Kubetsera Vamwe’

IZVOZVO ndizvo izvo mumwe mupurisa womuNew York City akataura pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Akanga achitaura kuna Kathleen, mumwe wavazvipiri venguva yakazara anobatira padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York.

Mukati menguva yake yokuzorora kwamasikati, pazuva rinodziya uye rinopisa romumatsutso, Kathleen akagara pabhenji pedyo nePromenade. Akanga achiteerera kaseti ine mahedhifoni. Panhandare yemaherikoputa mhiri kweEast River, gadziriro dzakanga dzichiitwa dzokuenda kwapapa, akanga ave achishanyira guta racho. Chengeteko yakanga yakasimba kwose kwose, uye vakati kuti vamapurisa vakanga vachifamba-famba muPromenade. Mumwe wavo akasvika Kathleen ndokubvunza chaakanga achiita. Kathleen akapindura, kuti: “Ndiri kuteerera tepi yomutauro wechiRussia. Munoona, ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye ndinoda kufunda chiRussia kuitira kuti ndigogoverana mashoko akanaka oUmambo hwaMwari navanhu vanotaura chiRussia vakauya kuzogara muguta.”

Mupurisa wacho akapindura kuti akanga asvika pakuyemura Zvapupu zvaJehovha mukati mamakore ake 15 okupedzisira somupurisa anofamba-famba muNew York City. Iye akati: “Ndinoona Zvapupu zvaJehovha sorudzidziso rwakarongeka rwune mitezo inofarira zvapachokwadi kubetsera vamwe munzanga.”

Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwa munyika yose nokuda kwebasa rokuparidza pasuo nesuo razvinoita. (Mabasa 20:20) Nepo zvichinongedzera kuUmambo hwaMwari semhinduro bedzi yezvinetso zvinotambudza rudzi rwomunhu, zvinobetserawo vanhu kunatsa kunaka kwoupenyu hwavo kupfurikidza nokuvakurudzira kushandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwavo hwezuva nezuva. Somuenzaniso, Zvapupu zvinokurudzira vabereki kugovera mhoteredzo pamusha inoparira kufunda. Zvinokurudzira vanhu vamwe navamwe kuva vakatendeseka navanoteerera mutemo, zvichivakurudzira kuwana unyanzvi namavara ayo mushandirwi achawana achikosha.

Hungu, Zvapupu zvaJehovha zvinofarira zvikuru kwazvo kubetsera vanhu vari munzanga kunatsa upenyu hwavo. Unokokwa nenzira youshamwari kubvuma kokero inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe