“Jehovha Akapindura Minyengetero Yangu!”
MUNYIKA mose, Zvapupu zvaJehovha zviri kuitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha dzinodokusvika mamiriyoni mashanu vanhu vanofarira kuwana zivo yakarurama pamusoro paMwari nechinangwa chake chinoshamisa nokuda kworudzi rwomunhu. Kunyange vana pakati peZvapupu zvaJehovha vari kuva negoverano muiri basa. Rangarira, somuenzaniso, mukomana anonzi Joel. Akaratidzira tsauriro yake kuna Jehovha uye akabhabhatidzwa pamakore mapfumbamwe ezera. Gore gare gare akava neichi chakaitika:
“Ndiri muushumiri, ndakasangana nomukadzi anonzi Candy. Ndakamugovera bhurocha ra‘Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva.’ Akanga achitova naro, naizvozvo ndakamugovera bhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Akanga achitova nairowo. Ipapo ndakafunga, kuti ‘Ndichakarakadza kuuyu mukadzi fundo yeBhaibheri.’ Akabvuma!
“Mukoma waCandy, uyo akanga achizofa nekenza, akauya kuzogara naye. Mukuwedzera, Candy akanga achifundira kuva mukoti. Naizvozvo kwenhambo yakati yenguva, fundo yacho yeBhaibheri yakamiswa. Asi vabereki vangu neni takachengeta onano naye kupfurikidza nokumusiyira magazini kana kuti murume wake, Dick. Akatiudza kuti aichengeta magazini acho parutivi pomubhedha wake uye aiarava usiku.
“Pakupedzisira, mukoma waCandy akafa. Baba vangu naAmai neni takataura naCandy pamusoro pemugariro wavakafa. Akasarudza kutangazve fundo yake yeBhaibheri. Pazuva rakasiyana, takabvunza kana Dick aizoda kufunda pamwe chete naCandy ndokuiita fundo yemhuri. Akafunga kuti yaiva pfungwa yakanaka. Naizvozvo zvino, pamwe chete naBaba vangu, ndiri kufunda navose vari vaviri Dick naCandy. Vari kuita fambiro mberi yakaisvonaka uye vanoratidzira kuonga kwefundo yacho yeBhaibheri.
“Ndakanga ndichinyengeterera fundo yeBhaibheri, uye Jehovha akapindura minyengetero yangu!”