RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 10/1 p. 32
  • Magazini Inobaya Mwoyo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Magazini Inobaya Mwoyo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 10/1 p. 32

Magazini Inobaya Mwoyo

MAGAZINI asingaverengeki anobudiswa kupota nyika yose kupedza nzara yomuravi yamashoko kana kuti varaidzo.

Chii chinoita kuti magazini iri muruoko rwako ive yakasiyana kwazvo? Tsamba inotevera, yakagamuchirwa nehofisi yebazu yeWatch Tower Society muGermany, ingagovera mhinduro:

“Ndinokuongai kwazvo, hama dzinodiwa, nenhamburiko dzenyu uye basa. Apo vanakomana vangu vaviri neni takadzoka tichibva kumisangano, kunyange zvazvo yakanga yava 9:30 p.m., ndaingofanira kuteerera Nharireyomurindi yazvino uno [pakaseti]. Sezvo ndaisuka ndiro, ndakavamba kuteerera nyaya yefundo yekutanga (April 1, 1995). Ndakanzwa kuti ndaifanira kuiteerera kamwe chete zvekare, naizvozvo ndakarega basa rangu mukicheni ndokurava nyaya yacho [“Unokosha Mumeso aMwari!”] muNharireyomurindi pamwe chete netepi yacho. Yakabaya mwoyo wangu, zvikurukuru ndima yechina neyechishanu. Uye ipapo misodzi yakavamba kuyerera—asi kwete kwenguva yakareba. Ndinoonga kuna Jehovha kuti ndiri mupenyu uye ndiri wevanhu vake uye kuti ini, pamwe chete navamwe vakawanda kwazvo, tinogona kuita kuti zita rake rizivikanwe. Zvirokwazvo hapana chikonzero chokunzwa usina maturo. Mudzimu waJehovha une vanhu vake. Tose zvedu ngatitsungirire ndokumira takasimba mukutenda, somunhu mumwe. Nechidakadaka chechiKristu, hanzvadzi yenyu mukutenda.”

Nharireyomurindi inopa zvinopfuura mashoko. Inobaya mwoyo yavaravi vayo ndokupedza chishuvo chavo chekudya kwomudzimu nekurudziro yakakodzera nguva. Hungu, Nharireyomurindi inogovera “zvokudya nenguva yakafanira.”—Mateo 24:45.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe