RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 9/15 p. 32
  • Kuzadzika kwoUporofita hweBhaibheri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuzadzika kwoUporofita hweBhaibheri
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 9/15 p. 32

Kuzadzika kwoUporofita hweBhaibheri

ZVAKARATIDZIRWA muImperial War Museum muLondon, England, iwachi yechienzi nechinoverenga nhamba chamagetsi. Sezvo wachi yacho inotenderera, chinoverenga chacho chinorira masekondi 3,31 ari ose. Nokurira kumwe nokumwe imwe nhamba inowedzerwa kuhwerengedzo. Kurira kumwe nokumwe, nhamba imwe neimwe, inomirira murume, mukadzi, kana kuti mwana afa somugumisiro wehondo mukati mezana rino ramakore.

Chinoverenga chacho chakavamba chinyorwa chacho muna June 1989 uye chinokarirwa kupedza kuverenga pakati pousiku pamavambo egore ra2000. Panosvika nguva iyeyo nhamba iri pachinoverenga chacho icharatidza mamiriyoni ane zana—nhamba inofungidzirwa yenzufu dzine chokuita nehondo muzana rose ramakore rechi20.

Anodokusvika makore 2 000 akapfuura, Jesu Kristu akafanotaura nguva yaizoratidzirwa no‘rudzi runomukira rudzi uye umambo hunomukira umambo.’ Nenzira inowirirana, Zvapupu zvaJehovha zvanguve zvichiparidza kuti hondo dzinoparadza dzezana rino ramakore, pamwe chete nokudengenyeka kwapasi kwakawanda, nhenda, kuperevedza kwezvokudya, uye zvimwe zviitiko, pamwe chete zvinogovera chibvumikiso chokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira”—nhambo yenguva inotevera kugadzwa kwaKristu saMambo mudenga mugore ra1914.—Ruka 21:10, 11; 2 Timotio 3:1.

Ichishandisa Bhaibheri sechiremera chayo, Nharireyomurindi inozivisa mashoko akanaka okuti Umambo hwaMwari huchakurumidza kuparadza vadzvinyiriri ndokuchinja pasi kuva paradhiso. Uye zvakadiniko nenguva yemberi yehondo? Bhaibheri rinoti: “Uyai muone mabasa aJehovha, zvishamiso zvaakaita panyika. Unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; unovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; unopisa ngoro dzokurwa nomwoto.”—Pisarema 46:8, 9.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Clock: By Courtesy of the Imperial War Museum

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe