“Musazvidzinge!”
“KANA mumwe weZvapupu zvaJehovha, kana kuti kunyange vaviri, vakafanira kuridza bhero rapasuo pako, usavadzinge!” inopa zano kudaro Correire della Sera. Pepanhau racho rakanga richinongedzera kuchiitiko chakaitika muTreviso, kuchamhembe kweItaly, uko muzvinabhizimisi akapinda mungozi yokurasikirwa nemalire ane miriyoni (anopfuura $5 400) nemhaka yokudzosa Zvapupu zviviri zvakamushanyira.
Maererano nepepanhau racho, Zvapupu zviviri zvakazvisuma zvimene kumurume wacho namashoko, okuti: “Nhasi izuva rakakunakirai. Tiri Zvapupu zvaJehovha, uye tine chimwe chinhu chinokosha chokukupai.” Pana ikoko, muzvinabhizimisi asina ushamwari akapfiga suo, asingazvibvumiri kupedza.
Kudai murume wacho akanga akateerera, angadai akaziva kuti Zvapupu zvakanga zvauya kumba kwake kuti zvidzore chikwama chake, icho zvakawana pabhenji romupaka. Naizvozvo Zvapupu zvacho zvakanga zvisina chimwe chokuita kunze kwokuendesa chikwama chacho nezvaivamo kukamba yamapurisa yaiva pedyosa. Zuva rakatevera racho, mapurisa akachidzorera kumuridzi wacho ane maruramiro.
“Kudai mumwe munhuwo zvake akanga ava mumamiriro ezvinhu e[Zvapupu] zviviri zvisina kubudirira,” yakadaro Il Gazzettino di Treviso, “zvimwe aizodai . . . akachengeta mari yakawanda yechikwama chacho. Asi kwete Zvapupu zvaJehovha, izvo zvinofanira kuva zvakatendeseka chose chose.”
Chii chinosunda Zvapupu zvaJehovha kuva “zvakatendeseka chose chose”? Kuda kwazvo Mwari uye muvakidzani, maererano nedzidziso dzaJesu Kristu. (Mateo 22:37-39). Ndichowo chikonzero nei Zvapupu zvaJehovha zvichienda paimba neimba kunozivisa mashoko akanaka pamusoro pe“nyika itsva” inoshamisa yakapikirwa naJehovha Mwari. Shoko rakadaro retariro rakafanira zvikuru kupfuura pfuma ipi neipi yokunyama!—2 Petro 3:13.