RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 8/15 p. 32
  • Nyanzvi Dzinorangarira Zvinotsiva Ropa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyanzvi Dzinorangarira Zvinotsiva Ropa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 8/15 p. 32

Nyanzvi Dzinorangarira Zvinotsiva Ropa

NYANZVI dzinenge 200 dzinobva muUnited States yose dzakasangana muCleveland, Ohio, neChitanhatu, October 7, 1995, kuti vakurukure nhau yefariro inowedzera mune zvekurapa: kurapa nekuvhiyiwa pasina ropa.

Mamiriro ezvinhu anoverengeka anodenha akakurukurwa. Somuenzaniso, zvakadini kana murwere achitambura kushayikwa kweropa kwakakomba? Mwana anoberekwa nguva isati yakwana zvikuru anogona sei kurapwa pasina ropa? Kuvhiya mwoyo kunogona kuitwa nenzira inobudirira pasina kuisirwa ropa here? Nenzira inofadza, kuvhiya pasina ropa—kazhinji kazhinji pachishandiswa unyanzvi hunobetsera muviri kuvaka mugove wawo umene weropa—kwakatoshandiswa mumamiriro aya ose nemigumisiro inofadza.a

Nei kune kudikanwa kwezvinotsiva kuisirwa ropa? “Takaziva kuti kuisirwa ropa kunowanzopfuuridzira hosha, zvikurukuru hepatitis,” anodaro Sharon Vernon, mutungamiriri weCenter for Bloodless Medicine and Surgery paSt. Vincent Charity Hospital muCleveland. Anopfuurira, kuti: “Kunyange apo ropa risingapfuuridziri utachiona rinogona kudzvinyirira kurwisa hosha kwemurwere.” Kunyange zvazvo kupfuuridzirwa kweAIDS kwakaderedzwa kupfurikidza nekunzvera, kuchine dzimwe hosha zhinji dzinogona kusaonekwa nenzvero dzakadaro. Uye pasinei zvapo nekudikanwa kwekugadzirira kukuru zvikuru, kuvhiya pasina ropa kunobvumikisa kuva kusingadhuriri zvipatara, sezvo kuchipedza zvinetso zvepamutemo zvingavapo apo varwere vanogamuchira ropa rakashatiswa.

KuZvapupu zvaJehovha, kune chikonzero chinokosha zvikuru chokudzivisa kuisirwa ropa: Mutemo waMwari unokurambidza. (Mabasa 15:29) Zvisinei, zvinoda kugamuchira kurapwa kwakanakisisa kunobvira. Nokudaro, zvakabatira pamwe navanachiremba vari kutsigira kunzvera kurapa pasina ropa. Kwakadaro kunobetsera kwete bedzi Zvapupu zvaJehovha asiwo vamwe vazhinji vanonetseka pamusoro pengozi dzekuisirwa ropa.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona zvinyorwa zveMukai! zvechiNgezi zvaNovember 22, 1993, mapeji 24-7, uye January 22, 1996, peji 31.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

WHO photo by P. Almasy

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe