RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 8/15 pp. 2-3
  • Kushanyira Nyika Yakapikirwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushanyira Nyika Yakapikirwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Govai Nyika Kuti Ive Nhaka Yenyu’
    Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
  • Paradhiso—Uchavamo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Zvidzidzo Zvinoshanda Munyika Yakapikirwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Fundo Nhamba 1—Kushanyira Nyika Yakapikirwa
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 8/15 pp. 2-3

Kushanyira Nyika Yakapikirwa

NGATITI imwe shamwari yakakuudza kuti yakanga yakutengera—sechipo—imba itsva itsva pakati pemhoteredzo dzakaisvonaka, dzakanyarara. ‘Yakaita sei?’ ungashamisika kudaro. Pasina panikiro ungadisa kuzvionera imba iyi, kufamba mairi ndokunzvera kamuri rimwe nerimwe. Somugumisiro, uyu musha wako mutsva!

Muna 1473 B.C.E., Jehovha akapa rudzi rwaIsraeri wakare musha mutsva—Nyika Yakapikirwa, nyika yakareba anenge makiromita 500 kubva kuchamhembe kusvikira kumaodzanyemba uye yakafara makiromita 55, paavhareji.a Iri mune yakanzi Fertile Crescent, Nyika Yakapikirwa yakanga iri nzvimbo inofadza kugara, yakakomborerwa nemativi ayo imene zvakatanhamara.

Asi nei iwe nhasi uchifanira kufarira “musha” wakapiwa mumwe munhuwo zvake, zvikurukuru mumwe munhu airarama kare kare? Nemhaka yekuti kuziva iyi nyika inokosha kunogona kunatsa kunzwisisa kwako nhoroondo dzeBhaibheri. “Munyika yeBhaibheri,” akanyora kudaro mushakabvu Purofesa Yohanan Aharoni, “jogirafi nenhau zvakabatana zvikuru kwazvo zvokuti hapana chinogona kunzwisiswa chaizvoizvo pasina betsero yechimwe.” Kupfuurirazve, pakubudirira kwayo Nyika Yakapikirwa yakagovera muenzaniso wepamwero muduku weizvo Paradhiso muUmambo hwaMwari ichakurumidza kureva nokuda kwerudzi rwemunhu pasi rose!—Isaya 11:9.

Mukati meushumiri hwake hwapasi, Jesu Kristu akashandisa zviono zvaizivikanwa navose muNyika Yakapikirwa kudzidzisa zvidzidzo zvinoshanda. (Mateo 13:24-32; 25:31-46; Ruka 13:6-9) Isuwo tinogona kudzidza zvakawanda nenzira inoshanda mukurangarira mativi akati eParestina yakare. Ngatifambei mune mamwe makamuri ayo, sokunge zvakadaro, tichinzvera mamwe mativi akasiyana enyika iyi iyo yakabatira somusha kuvanhu vaMwari kwamazana mazhinji amakore. Sezvatichaona, kune zvizhinji zvatinogona kudzidza muNyika Yakapikirwa.

[Mashoko Omuzasi]

a Kushandiswa kwe“Nyika Yakapikirwa” munyaya dzino kunorangarira zvinhu mumurangariro wenguva dzakare, seunopiwa muBhaibheri, uye pasina kubatanidzwa mukutaura kwazvino uno kwezvematongerwe enyika/kworudzidziso munharaunda yacho.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

Butiro: Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Garo Nalbandian

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe