Mibvunzo Inobva Kuvaravi
Jesu zvino ava kuziva nguva yeArmagedhoni here?
Kunoratidzika kuva kune mufungo zvikuru kudavira kuti iye anodaro.
Vamwe vangashamisika chikonzero nei mubvunzo wacho uchimbomuka. Sezvingabvira imhaka yetsinhiro yaJesu inowanwa pana Mateo 24:36: “Kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga.” Cherechekedza kutaura kwokuti “kunyange Mwanakomana.”
Iyi ndima rutivi rwemhinduro yaJesu kumubvunzo wavaapostora: “Izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” (Mateo 24:3) Muuporofita hwake hwakakurumbira zvino pamusoro poufakazi hwunoumba “chiratidzo,” iye akafanotaura hondo, kuperevedza kwezvokudya, kudengenyeka kwapasi, kutambudzwa kwavaKristu vechokwadi, uye zvimwe zvinhu pasi pano izvo zvaizoratidzira kuvapo kwake. Kupfurikidza neichi chiratidzo vateveri vake vaigona kuziva kuti mugumo wakanga wava pedyo. Iye akaenzanisira kuva pedyo ikoku nenguva apo muonde unovamba kutungira, kuchiratidzira kuti zhizha rakanga rava pedyo. Iye akawedzera, kuti: “Saizvozvo, nemiwo, kana moona izvozvo zvose, zivai kuti wava pedyo pamukova.”—Mateo 24:33.
Asi Jesu haana kutaura chaizvoizvo apo mugumo waizouya. Panzvimbo pezvo, iye akataura zvatinorava pana Mateo 24:36. Ndiko kurava kuri muNew World Translation of the Holy Scriptures, uye maBhaibheri akawanda azvino uno anorava nenzira yakafanana. Bva, dzimwe shanduro dzekare hadzina “kunyange Mwanakomana.”
Somuenzaniso, Douay Version yeKaturike inorava, kuti: “Asi nezvezuva iroro nenguva hapana anoziva, kwete ngirozi dzokudenga, asi Baba voga.” King James Version inorava nenzira yakafanana. Nei “kunyange [kana kuti, zvimwe] Mwanakomana” akasiyiwa, kunyange zvazvo achiwanika pana Marko 13:32? Nemhaka yokuti shure pakuvamba kwezana ramakore rechi17 apo shanduro idzodzo mbiri dzakagadzirirwa, manyoro akashandisa vashanduri akanga asina kutaura kwacho. Munguvayi, kunyange zvakadaro, manyoro ekare echiGiriki akawanda akawanwa. Iwaya, ayo ari pedyo zvikuru nemanyoro apakuvamba aMateo, ane “kunyange Mwanakomana” pana Mateo 24:36.
Nenzira inofadza, Jerusalem Bible yeKaturike inobatanidza kutaura kwacho, nemashoko omuzasi anotaura kuti Vulgate yechiLatin yakasiya kutaura kwacho “zvimwe nokuda kwezvikonzero zvorudzidziso.” Chokwadika! Vashanduri kana kuti vanyori avo vaidavira Utatu vangava vakaedzwa kusiya kutaura kwairatidzira kuti Jesu akanga asina zivo iyo Baba vake vakanga vanayo. Jesu aigona kuva asina kuziva sei idi rechokwadi kana vose vari vaviri iye naBaba vake vakanga vari mativi aMwari woutatu?
Nenzira yakafanana, A Textual Commentary on the Greek New Testament, yakanyorwa naB. M. Metzger, inoti: “Mashoko okuti ‘kana Mwanakomana’ haawaniki mumazhinji a[manyoro] ezvapupu aMateo, kubatanidza rugwaro rweByzantine rwapashure. Pano rumwe rutivi, vamiriri vakanakisisa vamarudzi eAlexandria, eWestern, uye eCaesarean orugwaro ane kutaura kwacho. Kusiyiwa kwamashoko nemhaka yokuoma kwechitendero chaanomirira kunobvira zvikuru kupfuura kuwedzera kwavo nokufungidzira kuna” Marko 13:32.—Kutsveyamiswa kwamashoko ndokwedu.
“Vamiriri vakanakisisa” ivavo vamanyoro apakuvamba zvikuru vanotsigira kurava kunopa fambiro mberi ine mufungo pamusoro pezivo. Ngirozi dzakanga dzisingazivi nguva yomugumo; kana kuti Mwanakomana; asi Baba bedzi. Uye ikoku kunotsinhirana namashoko aJesu anowanwa pana Mateo 20:23, apo iye akabvuma kuti akanga asina chiremera chokupa nzvimbo dzakatanhamara muUmambo, asi Baba vakanga vanacho.
Nokudaro, mashoko aJesu amene anoratidza kuti ari pasi pano iye akanga asingazivi musi wo‘kuguma kwenyika.’ Iye ava kuuziva here?
Zvakazarurwa 6:2 inorondedzera Jesu seakagara pabhiza jena uye ari kuenda “achikunda, uye kuti akunde.” Tevere panouya varume vakatasva mabhiza vanomirira hondo, nzara, uye matambudziko, zvakadai seizvo takatambura chibviro chaapo Hondo Yenyika I yakavamba muna 1914. Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti muna 1914, Jesu akagadzwa pachigaro choUmambo saMambo woUmambo hwokudenga hwaMwari, uyo anotungamirira muhondo iri kuuya mukurwisana nouipi pasi pano. (Zvakazarurwa 6:3-8; 19:11-16) Sezvo Jesu zvino akapiwa simba souyo anofanira kukunda muzita raMwari, kunoratidzika kuva kune mufungo kuti Baba vake vakamuudza apo mugumo uchauya, apo iye acha“kunda.”
Isu pasi pano hatisati taudzwa musi iwoyo, naizvozvo mashoko aJesu achiri kushanda kwatiri: “Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini. . . . Zvandinokuudzai imi, ndinoudza vose, ndichiti: Rindai!”—Marko 13:33-37.