Aichimbova Mutongi Anokumbira Ruregerero—Pashure Pamakore 45
MUKAMURI redare muBerlin, muna August 1995, aichimbova mutongi weDare Rapamusoro akataura kumumwe weZvapupu zvaJehovha kuzvidemba kwake nokuda kwechakaipa chaakanga aita makore 45 ikoku kusati kwaitika.
Muna October 1950, Dare Rapamusoro reGerman Democratic Republic (GDR) rakazivisa vapfumbamwe veZvapupu zvaJehovha kuti vaiva nemhaka yokukuchidzira kupandukira hurumende nousipayi. Vaviri vakatongerwa upenyu mutorongo, uye vamwe vanomwe—kubatanidza Lothar Hörnig aiva namakore 22 okukura, mukwiriri wechina kubva kurudyi mupikicha—vakapiwa nhambo refu mutorongo.
Makore makumi mana gare gare, GDR yakava rutivi rweFederal Republic of Germany. Vakuru vakuru chibvirocho vakanzvera kumwe kusaruramisira kwakaitwa muyaichimbova GDR uye vakaedza kuitira ruramisiro avo vaiva nomutoro. Kumwe kusaruramisira kwakadaro kwakanga kuri kutonga kweDare Rapamusoro Zvapupu muna 1950.
A. T., zvino ava nemakore 80, akanga ari mumwe wavatongi vatatu avo vakaita rutongeso apo Zvapupu zvipfumbamwe zvakatongwa. Zvino achipomerwa mhaka yokushatisa ruramisiro, iye akamira pamberi peDare Romudunhu reBerlin kuti atsanangure chisarudzo chake.
Mukutaura kwake kudare, aichimbova mutongi akabvuma kuti iye akanga avhotera chisarudzo chokuva nemhaka makore 45 ikoku kusati kwaitika, kunyange zvazvo iye akanga achida mitongo isina kukomba. Asi mhaka yacho yakanga yamuita kuti afunge zvakare. Nemhaka yei? Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwa navaNazi mukati mehondo yenyika yechipiri nemhaka yokuti izvo zvakaramba kutsigira Hitler. Pashure pehondo Zvapupu zvakatambudzwa zvakare, nguva ino nehurumende yechiKomonisiti. Izvi zvakaparira kuti mutongi a“rwadziwe zvikuru.”
Lothar Hörnig akaudza dare racho kuti akapedza makore mashanu nehafu ari maaigara ari oga uye haana kubudiswa mutorongo yeBrandenburg kutozosvikira muna 1959. Pakunzwa kutaura kwaHörnig, aichimbova mutongi akachema. “Ndine urombo zvikuru,” iye akapfikura. “Ndapota ndikanganwirewo.” Hörnig akagamuchira kukumbira ruregerero kwacho.—Enzanisa naRuka 23:34.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]
Neue Berliner Illustrierte