RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 6/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • “Ishe, Tidzidzisei Kunyengetera”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Umambo hwaMwari Hunopfuura Humwe Hwose Muzvinhu Zvose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 6/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Pane dzimwe nguva tinonzwa hama dzichitaura kana kuti kunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye pasi pano. Uku kutaura kwakarurama here?

Chaizvoizvo, haisati iri nzira yapaMagwaro yokutaura zvinhu nayo. Umambo hwaMwari ndohwekudenga. Nokudaro, muapostora Pauro aigona kunyora, kuti: “Ishe uchandirwira pamabasa ose akaipa, uchandiponesa ndipinde ushe hwake hwokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperiperi. Ameni.”—2 Timotio 4:18; Mateo 13:44; 1 VaKorinte 15:50.

Umambo hwakagadzwa mudenga muna 1914, uye hahusati huchizotongochinjirwa kuParadhiso yapasi ichadzorerwa kana kuti kune imwe nzvimbo. Jesu Kristu ndiMambo weUmambo hwacho. Samambo, Jesu ane chiremera pangirozi. Nokudaro, nzvimbo yake yakafanira yekutonga iri kuruoko rworudyi rwaMwari mumatenga. VaKristu vakazodzwa vanomukumbanira samadzimambo navaprista mudenga.—VaEfeso 1:19-21; Zvakazarurwa 5:9, 10; 20:6.

Ikoku kunoreva here, ipapo, kuti hatisati tichafanira kutaura kuna Mwari mikumbiro inowanwa murutivi rwoMunyengetero waShe urwo runoti: “Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga”? (Mateo 6:10) Mukupesana, munyengetero iwowo wakafanira uye uchine revo yakazara.

Umambo hwaMwari huchigere kuita chiito nenzira yakasimba kupasi rino, uye ndizvo zvatinorangarira apo tinonyengetera ndokushandisa kutaura kwakafanana nemashoko eMunyengetero waShe. Somuenzaniso, Dhanieri 2:44 inofanotaura kuti Umambo hucha“uy[a]” kuzoparadza marudzi ose uye huchatsiva utongi hwapasi rino. Zvakazarurwa 21:2 inotaura nezveJerusarema Idzva richiburuka pasi richibva mudenga. Jerusarema Idzva rakaumbwa navaKristu vakazodzwa 144 000 avo vachava mwenga waKristu. Vadyi venhakawo pamwe chete naJesu muUmambo. Naizvozvo Zvakazarurwa 21:2 inorondedzera kunangidzira kwavo ngwariro kupasi, zvikomborero zvikuru zvichauya somugumisiro kurudzi rwomunhu rwakatendeka.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Kusvikira uhu nehumwe uporofita hunoshamisa hwazadzikwa, kuchapfuurira kuva kwakafanira kunyengetera kuna Jehovha Mwari maererano nemashoko aJesu okuti, “ushe hwenyu ngahuuye.” Asi tinofanira kurangarira kuti Umambo hausati huchizouya kunyika yaPasi mupfungwa chaiyoiyo. Hurumende yoUmambo inogara mudenga, kwete pasi pano.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 1]

Pasi: Wakavakirwa pamufananidzo weNASA

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe