RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 5/15 p. 32
  • Vanowana Kupi Simba Ravo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vanowana Kupi Simba Ravo?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 5/15 p. 32

Vanowana Kupi Simba Ravo?

KANA ukatarisisa shavishavi mumufananidzo uno, uchaona kuti rimwe ramapapiro aro mana haribetseri chose chose. Bva, shavishavi rinopfuurira kudya nokubhururuka. Ichi hachisi chiitiko chechienzi. Mashavishavi ave achicherekedzwa achiita mubato wawo wezuva nezuva ne70 muzana yenzvimbo yapamusoro yemapapiro awo isipo.

Nenzira yakafanana, vanhu vakawanda vanoratidzira mudzimu wokushinga. Pasinei hapo nokutambura zvinetso zvakakomba zvomuviri kana kuti zvemirangariro, ivo havaregi.—Enzanisa na2 VaKorinte 4:16.

Muapostora Pauro pachake akatsungirira nhamo huru mukati menzendo dzake dzoufundisi. Iye akazvamburwa, akarohwa, akatakwa namabwe, uye akaiswa mutorongo. Mukuwedzera, iye akatambura chimiro chakati chokuremara, zvichida chinetso chameso ake, icho chakanga chiri “munzwa munyama” wenguva dzose kwaari.—2 VaKorinte 12:7-9; VaGaratia 4:15.

Mumwe mukuru wechiKristu anonzi David, uyo akarwisa nhambo dzakakomba dzokuora mwoyo kwamakore anoverengeka, anodavira kuti simba raJehovha rakanga richikosha kukunaya kwake. “Nguva nenguva, fambiro mberi yakaoma kuwana yairatidzika kuva iri kupera,” iye anotsanangura kudaro. “Mukutarisana nokuodzwa mwoyo kwakadaro, ndakazvikanda ndimene pana Jehovha, uye iye akanditsigira zvirokwazvo. Pakanga pane nhambo apo ndakanyengetera kwamaawa panguva. Apo ndakataura kuna Jehovha, mirangariro yangu yokusurikirwa uye kusava namaturo yakapera. Ndakaparapatika munhambo dzoutera hukuru, asi ndinoonga Jehovha, muutera ihwohwu makabuda simba—kunyange simba rokubetsera vamwe.”

Jehovha Mwari akasimbisa Pauro. Naizvozvo, iye aigona, kuti: “Nokuti kana ndine utera, ipapo ndine simba.” (2 VaKorinte 12:10) Hungu, utera hwaPauro hwakamudzidzisa kuvimba nesimba rinopiwa naMwari. “Ndingaita zvose naiye unondipa simba,” akadaro muapostora. (VaFiripi 4:13) Jehovha zvirokwazvo anopa simba vabatiri vake.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe