RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w96 5/15 p. 3
  • Chengeteko Yechokwadi Nharidzano Inonzvenga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chengeteko Yechokwadi Nharidzano Inonzvenga
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka Zvava Pedyo!
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
    Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
  • Vanhu Vanogona Kuunza Rugare Runogara Narini Nokuchengeteka Here?
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Chengeteko Yechokwadi Zvino Uye Nokusingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
w96 5/15 p. 3

Chengeteko Yechokwadi Nharidzano Inonzvenga

ARNOLD akanga ari mwana aida chokutambisa chake chetiger chakapakwa zvinhu mukati. Kwose kwose kwaaienda, aienda nacho—pakutamba, panguva yezvokudya, pakundorara. Nokuda kwake, tiger yacho yaigovera nyaradzo, chengeteko. Rimwe zuva, paiva nenjodzi. Tiger yakashaikwa!

Sezvo Arnold aichema, amai vake, baba, uye vakoma vatatu vakatsvaka muimba yavo huru kuti vawane tiger yacho. Mumwe wavo pakupedzisira akaiwana mudhiroo. Sezviri pachena, Arnold akanga aiisa imomo uye ipapo akanga akanganwa nokukurumidza payakanga iri. Tiger yakadzorerwa, uye Arnold akapukuta misodzi yake. Akanzwa achifara uye akachengeteka zvakare.

Kwaizova kwakaisvonaka sei kudai zvinetso zvose zvaigona kupedzwa zviri nyore zvakadaro—zvakapfava sokuwana chokutambisa chetiger mudhiroo! Nokuda kwavanhu vazhinjisa, zvisinei, mibvunzo yechengeteko yakakomba nokuoma kunzwisisa zvikuru kwazvo kupfuura ikoko. Kunodokuva kwose kwose, vanhu vanoshamisika kuti, ‘Ndichava nyajambwa weutsotsi kana kuti wamasimba masimba here? Ndiri mungozi yokurasikirwa nebasa rangu here? Mhuri yangu ine chokwadi chokuva nezvokudya zvakakwana here? Vamwe vachandidzivisa nemhaka yerudzidziso rwangu kana kuti mamiriro angu edzinza ekare here?’

Nhamba yavanhu vasina chengeteko ihuru. Maererano neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, vanodokusvika mabhiriyoni matatu havagoni kurapwa kwete bedzi hosha dzinozivikanwa navose asiwo havagoni kuwana mishonga inokosha. Vanhu vanopfuura bhiriyoni imwe vanotambura muurombo hwakakomba. Vanodokusvika bhiriyoni imwe, kunyange zvazvo vachikwanisa kushanda, havana basa rinobhadhara. Nhamba yavapoteri iri kuwedzera. Pakupera kwa1994, anenge 1 muvanhu 115 vari vose pasi pano akange amanikidzwa kutiza misha yavo. Mamiriyoni eupenyu anokuvadzwa somugumisiro wekutengeswa kwemirimo kunopa mabhiriyoni 500 emadhora pagore uko kunoparira zviito zveutsotsi nezvemasimba masimba zvisingaverengeki. Hondo inoparadza upenyu hwamamiriyoni. Mukati ma1993 moga, nyika 42 dzakabatanidzwa murwisano huru, nepo dzimwe 37 dzakava nemasimba masimba ezvematongerwe enyika.

Hondo, urombo, utsotsi, uye dzimwe tyisidziro kuchengeteko yomunhu zvakabatana, uye zviri kukura munhamba. Hakuna mhinduro dziri nyore kuzvinetso zvakadaro. Kutaura idi, vanhu havasati vachizotongozvipedza.

“Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira,” rinonyevera kudaro Shoko raMwari, Bhaibheri. Tinogona, ipapo, kuvimba nani? Rugwaro urwu runopfuurira, kuti: “Une mufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, unotarira kuna Jehovha Mwari wake. Iye, wakaita kudenga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo.”—Pisarema 146:3-6.

Nei tichigona kuvimba naJehovha kuti aunze chengeteko kupasi rino? Kunobvira here kufarikanya upenyu hwakachengeteka, hunofadza zvino? Mwari achabvisa sei mhinganidzo kuchengeteko yomunhu?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe