Mwari, Hurumende, Uye Iwe
“Chechi neHurumende Zvinobonderana Mukuvhota Pamusoro Pekurambana muIreland”
UYU musoro mukuru waiva muThe New York Times unoratidzira nzira iyo vanhu nhasi vangava vakanangana nayo nechisarudzo pakati peicho Hurumende inoda neicho chechi yavo inodzidzisa.
Nyaya yacho yakati: “Usingasviki mwedzi mumwe kuvhota kusati kwasvika pamusoro pekubvisa kurambidza kwayo kurambana, Ireland ine vaRoma Katurike vazhinji iri kupupurira bonderano yechienzi pakati pavatungamiriri veHurumende yayo neavo vechechi yayo.” Hurumende yakakarakadza kubviswa kwekurambidza kurambana, nepo Chechi yeKaturike ichishora nenzira yakasimba kurambana nekuroorazve. VaKaturike veIreland vaifanira kusarudza pakati peChechi neHurumende. Somugumisiro, Hurumende yakakunda navashomanene.
Nenzira inoshamisa zvikuru, kwamakore mazhinji vanhu vomuNorthern Ireland vave vakatarisana nerwisano yakakasharara pamusoro peuchangamire hwenyika. Vazhinji vakaurawa. VaRoma Katurike nevaPurotesitendi vave vaine mirangariro yakasiyana pamusoro pokuti vaifanira kuteerera Hurumende ipi: kutonga kweBritain kunopfuuridzirwa muNorthern Ireland kana kuti hurumende imwe nokuda kweIreland yose.
Nenzira yakafanana, mune yaichimbova Yugoslavia, zviremera zvaitonga zvakada kuti mitezo yemarudzidziso akasiyana, kubatanidza vaKaturike navaOrthodox, irwe muhondo yenyika. Nokuda kwavagariwo zvavo vemo, musengwa wavo wokutanga waiva papi? Vaifanira kutevera avo vaitaura kuti vanomirira Hurumende, kana kuti vaifanira kuteerera Mwari here, uyo anoti: “Usauraya, . . . Ude wokwako sezvaunozvida iwe”?—VaRoma 13:9.
Ungafunga kuti rudzi urwu rwamamiriro ezvinhu rungasatongokutapura. Asi rungagona. Kutaura idi, rungatokubatanidza zvino. Mubhuku rake rinonzi The State in the New Testament, mufundisi Oscar Cullmann anotaura nezve“zvisarudzo zvinokosha zvikuru izvo vaKristu vazvino uno vanofanira kana kuti vangakumbirwa kuita mumamiriro ezvinhu okupererwa nezano apo vanotyisidzirwa nehurumende dzinodzvinyirira.” Zvisinei, anotaurawo nezve“mutoro chaiwoiwo wakaenzana neunokosha wemuKristu ari wose—uyewo muKristu anogara mumamiriro ezvinhu anonzi ‘enguva dzose,’ ‘ezuva riri rose’—wekutarisana nokupindura chinetso chakakomba icho chinonangana naye nemhaka bedzi yokuti muKristu.”
Naizvozvo ukama pakati perudzidziso neHurumende hunofanira kufadza vaKristu nhasi here? Hunofanira zvirokwazvo. Kubvira panguva dzapakuvamba zvikurusa, vaKristu vakaedza kusakurira murangariro wakadzikama wezviremera zvenyika. Mutungamiriri wavo, Jesu Kristu, akatongwa, akashurikidzwa, uye akaurawa neHurumende yeRoma. Vadzidzi vake vaifanira kunzwananisa misengwa yavo yechiKristu nemabasa avo kuUmambo hweRoma. Kuhwirudzurwa kwoukama hwavo nezviremera, naizvozvo, kuchagovera nhungamiro nokuda kwavaKristu nhasi.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Tom Haley/Sipa Press