Kutenda Kwakamusunda Kuita Chiito
APO Jehovha akatuma Mosesi kuti atungamirire rudzi rwaIsraeri kubuda muusungwa muEgipita, Mosesi pakutanga akaramba, achiti: “Haiwa, Jehovha, handizi munhu unogona kutaura zvakanaka, kunyange zuro, kana zuroriya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu une muromo usingagoni norurimi rusingagoni.” (Eksodho 4:10) Hungu, Mosesi akanzwa asingakwaniriswi nokuda kwemugove wakadaro unokosha.
Nenzira yakafanana nhasi, vazhinji vavabatiri vaJehovha padzimwe nguva vanonzwa vasingakwanisi kuita mabasa ayo vakagoverwa. Somuenzaniso, mumwe mutariri wechiKristu anonzi Theodore anorondedzera, kuti: “Pazvinhu zvose izvo Jehovha anondikumbira kuti ndiite, ushumiri hwomumunda ndihwo hwakaoma zvikurusa. Apo ndakanga ndiri muduku, ndaienda kusuo nokukurumidza, ndaiedzesera kuridza bhero repasuo, uye ndaienda chinyararire, ndichikarira kuti hapana munhu aizonzwa kana kuti kundiona. Sezvandakakura, ndakarega kuita ikoko, asi mufungo wokuenda pasuo nesuo wakandiita kuti ndirware mumuviri. Kunyange kusvikira kuzuva rino, ndinozengurira ndisati ndabuda muushumiri, asi ndinongoenda zvangu.”
Chii chakagonesa Mosesi neZvapupu zvomuzuva razvino uno zvakafanana naTheodore kukunda kutya kwakadaro? Bhaibheri rinopindura, kuti: “Nokutenda [Mosesi] wakabva Egipita, . . . nokuti wakatsungirira somunhu unoona iye usingaonekwi.”—VaHebheru 11:27.
Zvirokwazvo, kupfurikidza nokutenda Jehovha, Mosesi akakwanisa kukurira mirangariro yake yekusakwanisa ndokuita mabasa ake akagoverwa somutongi, muporofita, mutungamiriri worudzi, murevereri wesungano yoMutemo, mutungamiriri wehondo, wezvenhau, uye munyori weBhaibheri.
Nenzira yakafanana, apo tinova nokutenda sokwaMosesi, tichafamba sokunge kuti tiri‘kuona Asingaoneki.’ Kutenda kwakadaro kunonyandura ushingi, kuchitigonesa kuita mabasa edu echiKristu—kunyange apo tinonzwa tisingakwanisi.